Uncategorized

Maticha 3 000 opinda basa

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Maticha 3 000  opinda basa Mai Thabela

Kwayedza

Zvamaida Murwira
HURUMENDE iri mushishi kupinza basa varairidzi vanosvika 3 000 nechinangwa chekugadzirisa dambudziko rekushomeka kwematicha muzvikoro iro riri kukanganisa mhando yefundo uye pane mashoko anoti kuzvikoro zvekumaruwa ticha mumwe chete anodzidzisa vana 120 kana kudarika.Mamiriro ezvinhu aya adzosera kumashure budiriro yefundo munyika.

Komisheni yePublic Service Commission (PSC) yakange yambomira kupinza maticha mabasa nevamwe vakafundira mabasa akasiyana mugore ra2014 uye izvi zvakakanganisa budiriro yedzidzo.

Vamwe varairidzi vari kugunun’una vachiti vanodzidzisa kirasi yevana vakawandisa zvekusvika 165.

Kupinzwa basa kwevarairidzi uku kune donzvo rekuti pave nekufambiswa nyore kwechirongwa chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum.

New Curriculum inosimbisisa kufundiswa kwezvidzidzo zvemabasa emawoko uye kuti vana vaongororwe zvidzidzo zvavo nguva nenguva.

Muchinyorwa svondo rapera, munyori mukuru kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanoti vanoda kupinda basa rehurairidzi vanofanira kunyoresa kumahofisi ezvedzidzo ari kumatunhu avo.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari richange richiita chirongwa chekunyoresa varairidzi vanoda kupinda basa munzvimbo dzichange dziripo mugore ra2019.

‘‘Vanoda kupinda basa vanokwanisa kunyoresa kumahofisi ezvedzidzo ari pedyo navo kubva musi wa2 kusvika 3 Ndira 2019,” vanodaro Mai Thabela.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey