Uncategorized

Maticha 5 000 opinda basa

10 Oct, 2020 - 00:10 0 Views
Maticha 5 000 opinda basa Ambassador Mathema

Kwayedza

Mukudzei Chingwere
VARAIRIDZI vanodarika 5 300 vari kupinzwa basa nechinangwa chekuti zvikoro zvive nemakirasi ane vana vashoma nedonzvo rekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Chikwata chekutanga chevarairidzi 2 300 chinotarisirwa kupinzwa basa apo vana vari kuvhura chikoro muchikamu chekupedzisira nemusi wa9 Mbudzi vanenge vasati vatanga kudzidza uye vamwe 3 000 vanotarisirwa kupinda basa gore rino risati rapera.

Makirasi ane vana vashoma ndiwo ari kukurudzirwa pasi pemitemo yesangano reWorld Health Organisation (WHO) yekurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Zimbabwe ine varairidzi vakawanda vakadzidzira basa asi vasati vave kushanda avo vakamirira mukana wekupinzwa mabasa nePublic Service Commission (PSC).

Mukana uyu unogona kuvepo kana varairidzi vakaramba vachiramwa kuita basa ravo sezvavari kuita pari zvino vachiti vanoda kuti mari yavanotambira iwedzerwe.

Vachitsinhira nyaya yekupinzwa kwevamwe varairidzi mabasa, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanoti nechinangwa chekuti vana vasadzidze vakaita chitsoko-tsoko, makirasi anofanirwa kuve nevana vashoma uye izvi zvinoreva kuti panodiwa vamwe varairidzi.

“Tiri kupinza basa varairidzi 2 300, chirongwa ichi chakatotanga. Tichazopinza basa vamwe 3 000 uye tinotarisira kupinza basa varairidzi 5 300 gore rino risati rapera.

“WHO nebazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoda kuti tideredze huwandu hwevadzidzi mumakirasi kuitira njodzi yekupararira kwechirwere ichi,” vanodaro Ambassador Mathema.

Share This:

Sponsored Links