Uncategorized

‘Maticha achawana mabasa’

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Maticha achawana mabasa’ Prof Murwira

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE ine hurongwa hwekuti vadzidzi vemuzvikoro zvinofundisa varairidzi vasvike 40 000 mugore ra2023 kana zvichienzaniswa ne8 000 vari kumakoreji aya pari zvino.

Mashoko aya akataurwa mudare reSenate negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo Metropolitan, Senator Spiwe Ncube.

Sen Ncube vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukupeza dambudziko revadzidzi vekusekondari vanenge vapedza chikoro, avo vari kungombeya vasina zvekuita nekuda kwemamiriro enyaya dzeupfumi hwenyika.

“Mubvunzo wangu wakanangana negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina. Hurumende iri kutora matanho api panyaya yevadzidzi vanenge vapedza fundo kuzvikoro zviri kumaruwa tichitarisa mamiriro akaita upfumi hwenyika, kwete kumaruwa chete asi munyika yose?” vanodaro.

Prof Murwira vanoti donzvo reHurumende nderekuti mudzidzisi wose anenge apedza chikoro awane zvaanoita mukusimudzira budiriro yenyika.

“Chimwe chezvinangwa zvedu zvikuru ndechekuti tive nedzidzo isina kuperevera nekuti tiri kuti hatina pfungwa dzezvizvarwa zveZimbabwe dzekutambisa. Nekuda kwaizvozvo, takave nechirongwa chekuwedzera huwandu hwevadzidzi vanenge vapedza O- neA-Level vanoenda kunoita dzidzo yepamusoro kumakoreji akasiyana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Pari zvino tine vadzidzi 8 000 muzvikoro zvinofundisa varairidzi uye tiri kuti panosvika gore ra2023, panofanirwa kunge pava nevadzidzi 40 000 kumakoreji anofundisa maticha kureva kuti vakawanda vanenge vave nezvekuita.

“Kumakoreji anodzidzisa mabasa emaoko nezvimwe zvakasiyana (polytechnics), pari zvino tine vadzidzi 24 000 uye tinoda kuti vange vawedzera kuenda pa33 000 panosvika 2023. Tinoda kubvisa vanhu kubva mumigwagwa tovaendesa kuzvikoro zvepamusoro kuti vanoita zvidzidzo zvinosimudzira nyika.”

Prof Murwira vanoti bazi ravo rakatora zvakare matanho ekurerutsira vadzidzi vanenge vachida kuenda kunoita dzidzo yepamusoro.

Vanoti makoreji emaploytechnic kare aiti anoda vadzidzi vane zvidzidzo zvinosanganisira Mathematics paO-Level kuti vawane nzvimbo, zvisinei nekuti vanenge vachida kuita makosi akadai seEngineering kana mamwewo.

“Saka takati makosi ayo anenge asinei nezvidzidzo zvakadai seMathematics, vanofanira kuvandudza nzira dzematorera avanoita vadzidzi. Takatarisa makosi anokwana 30 ekumapolytechnic tikabvisa mutemo wekuti mudzidzi anofanirwa kunge akapasa Mathematics kuti aite makosi iwayo.

“Hatizi kuti hatidi Mathematics, dzinofanirwa kuitwa paO-Level, asi kana ndichida kuita kosi yezvemadhirama, kunyangwe ndakabuda neA kuMathematics, musadzivhunze uye izvi ndizvo zvatiri kureva. Nekuda kwaizvozvi, takwanisa kuwedzera huwandu hwevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro nechikamu che12 percent,” vanodaro.

Vachipindura mumwe mubvunzo kubva kune mumwe mumiriri weBulawayo Metropolitan zvakare, Senator Gideon Shoko, Prof Murwira vanoti dambudziko riripo rekushaya mabasa kwevadzidzi vakaita kosi yehuticha nderenguva duku uye richagadzirisika munguva pfupi iri kutevera.

Sen Shoko vaida kuziva kuti sei Hurumende iri kuramba ichidzidzisa maticha kumakoreji asi vamwe vacho vasingazowane mabasa pavanenge vapedza fundo yavo.

“Mutemo weHurumende unoti kudii maringe nekudzidziswa kwematicha? Munodzidzisa kuti vangovepo chete here kana kuti munovadzidzisa kuti muzovape mabasa nekuti tinavo kudzimba?” vanodaro Sen Shoko.

Prof Murwira vanoti maticha anodzidziswa kuitira kuti vazofundisa vana.

“Tinodzidzisa varairidzi kuitira kuti vazodzidzisawo vana vedu. Tinotoda kuwezera huwandu hwemakoreji anofundisa varaidzi.

“Tine pfungwa dzipi kana tichidai? Mafungiro edu ndeekuti hatifanire zvachose kufunga kuti sezvo nekuda kwemamiriro eupfumi, mamwe maticha ari kushaya mabasa nekudaro hapachadiwa vamwe. Semaonero angu, Zimbabwe inotove nematicha

Share This:

Sponsored Links