Maticha munobata basa guru: Ndlovu

13 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Maticha munobata  basa guru: Ndlovu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kurumbidza varairidzi nekuda kwekuzvipira kwavo mubasa nemwoyo unoda panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pagungano rekucherechedza zuva reWorld Teachers Day iro rakapindwa nemasangano anomirira varairidzi nemamwe mapoka anoona nezvedzidzo muguta reHarare, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Evelyn Ndlovu vanoti maticha akakosha zvikuru sezvo vari ivo vanoita kuti pave nehwaro hwakasimba hwebudiriro yenyika.

“Kuti tinzi tiri vanhu sezvatiri nhasi uno, takabva mukuumbiridzwa nemi varairidzi uye tinokutendai zvikuru nekushingirira kwamakaita mukuramba makamira nevana vechikoro kunyangwe zvakaoma semunguva ino yechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro Dr Ndlovu, icharamba ichitsigira zvido zvevarairidzi senzira yekuona kuti vashanda panzvimbo dzakachengetedzeka kuti pave nedzidzo inoendeka, zvikuru mukurwisa Covid-19.

“Tinofara zvikuru kushanda nemasangano akadai seEducation Coalition of Zimbabwe (ECOZI) mukutsigira zvirongwa zvevarairidzi zvinova zvinobatsira mukuzadzikiswa kwezvinangwa zveSustainable Development Goal nhamba 4 mukuona kuti vana vawaniswa dzidzo yakaenzana munyika. Kuvhurwa nekuvharwa zvezvikoro apo neapo nekuda kwechirwere cheCovid-19, kwakaita kuti vazhinji vaone kukosha kwevarairidzi nokudaro nhunha dzavo dzinofanira kutariswa kuti vana vawane dzidzo yakakwana uye yepamusoro,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, Mai Lydia Madyirapanze, vanova sachigaro weECOZI vanoti vanoshanda nemasangano anomiririra varairidzi vachisimbaradza kukosha kwenhaurwa pakati pavo neHurumende kuti nhunha dzavo dzinzwikwe.

“Tine tarisiro yekuti muzvikoro munge muchiwaniswa zvinokwanirana pakurwisa Covid-19 semamasiki, masanitizer nezvivakwa kuitira kuti vana vasaramba vachiita zvijana zvekuenda kuchikoro uye varairidzi vawaniswe mari dzinovakwanira,” vanodaro.

Chiedza Juru anova chief operating officer programs kusangano reHigherlife Foundation anoti zvakakosha kusimbaradza nzira dzechizvino-zvino dzekuti vadzidzi vafunde nadzo sekushandisa dandemutande zvichitevera kuuya kwechirwere cheCovid-19.

“Tava nemakore anodarika 25 tichidyidzana nebazi rezvedzidzo apo tinotsigira vadzidzi kubvira paEarly Child Development kusvika padanho rePhD vanodarika 250 000 tichivawanisa mabhezari uye zvekushandisa mudzidzo. Pagore tinopa mabhezari kuvadzidzi 15 000 vari mumatunhu gumi enyika.

“Tiri kusimbaradza zvekare nyaya dzekushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino rweIndaneti mudzidzo, zvikuru apo nyika iri kushungurudzwa neCovid-19. Zvinobatsira kuti vana vafunde vari pese pavanenge vari,” anodaro.

Anoti mushure mekuona matambudziko ari kusanganikwa nawo nevarairidzi nevana vechikoro nekuda kweCovid-19, vakabatana nebazi rezvedzidzo vakaparura chirongwa cheEducation Toll Free Line chine nhare dzinoti 317 kuitira kuti vadzidzi nevamwe vanhu vakwanise kugoverana mashoko uye zvinetso zvichibva zvangoenda kubazi rezvedzidzo pekarepo.

VaKudakwashe Tadios Chimwango vanova mutevedzeri wemutungamiriri wekutanga kusangano reTeachers Union of Zimbabwe (TUZ) vanoti vanotarisira kuti sevarairidzi, vachidzokera pakare mukushanda kuburikidza nekuwaniswa zvinovakwanira mubasa ravo.

“Sevarairidzi, tinotarisira kuti tiwaniswe mihoro inotikwanira kuti tidzidzise tisina mwoyo miviri. Zvivakwa muzvikoro ngazvivandudzwewo kuitira kuti vana vakwanise kufunda mazuva ose nokuti munguva ino yeCovid-19 vana mune zvimwe zvikoro vari kuenda kunofunda kaviri pasvondo vachiita zvijana nekuti zvivakwa zvishoma,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey