Maticha obairwa zvitupa

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Maticha obairwa zvitupa VaEdgar Moyo

Kwayedza

Tanyaradzwa Rusike
HURUMENDE yakapinza mabasa mamwezve maticha 350 senzira yekuzadzikisa chikamu chekupedzisira chevarairidzi 3 000 vanofanira kupinda basa sezvakatarwa nebazi rinoona nezvehomwe yenyika gore rino, panguva iyo paine zviratidzo zvekuti mamwe maticha 5 000 anogona kupinzwawo mabasa.

Mamiriro ezvinhu aya ari kuendererana nehurongwa hweHurumende itsva yavapo iyo ine chinangwa chekuti vanhu vakawanda vapinzwe mabasa uye kuti vararame upenyu hwepamusoro-soro panozosvika gore ra2030.

Maticha 350 akapinzwa mabasa mwedzi waChikunguru uno apo vamwe 1 300 ne1 357 vakabairwa zvitupa zvakare munaKurume naChivabvu. Muna2015, Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuvandudza dzidzo, cheNew Curriculum, icho chakazopararira kuzvikoro zvose mugore ra2017 panguva iyo varairidzi vainzi vashoma kuti chirongwa ichi chinyatsofamba zvakanaka.

Panguva iyi, kune zvimwe zvikoro — kunyanya zviri kumaruwa — murairidzi mumwe chete wekupuraimari anonzi aifundisa vana vakawandisa zvekusvika 120 izvo zvinokanganisa kusimukira kwedzidzo munyika.

Kupinzwa mabasa kwematicha uku kuri kuuya panguva iyo bazi rinoona nezvehomwe yenyika rakawana mari yebhajeti inoraudzira ne$443,1 miriyoni muchikamu chekutanga, izvo zvaita kuti pave nemikana yekufambisa zvimwe zvirongwa zveHurumende – kusanganisira kupinzwa mabasa kwevanhu muzvikamu zveupfumi hwenyika zvakakosha.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, VaEdgar Moyo, vakaudza Kwayedza kuti kupinzwa mabasa kwevarairidzi uku kune chinangwa chekuvhara mukaha wekushomeka kwematicha uko kwaive pa13 000 panguva iyo Hurumende yakambomisa kupinzwa kwavo mabasa muna2014.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey