Maticha opinza vana panjodzi

01 Aug, 2020 - 13:08 0 Views
Maticha opinza vana panjodzi VaEdward Shumba

Kwayedza

Munyori weKwayedza

ZVISINEI nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muZimbabwe, mamwe maticha ari kutora mukana wekuvharwa kwezvikoro kuitisa zvidzidzo kudzimba zvema”extra lessons” zvisiri pamutemo.

Kuita kwakadai kuri kuisa mhuri dzavo nedzevana vavanodzidzisa panyatwa yekutapurirwa chirwere chakaipisisa ichi.

Ongororo yakaitwa neKwayedza kunzvimbo dzakasiyana dzenyika dzinosanganisira kwaMutare inoratidza kuti kune varairidzi vari kufundisa vana mudzimba dzavo izvo zvinopikisana nemitemo yekumisa kupararira kweCovid-19.

Vadzidzi vemagwaro ari pasi ndivo vari kutanga kuita zvidzidzo izvi kwemaawa maviri vachizoteverwa nevari Giredhi 6 ne7.

Vekusekondari vanozotanga zvidzidzo zvavo masikati.

Kune maticha zvakare ari kubatana nevadzidzi vekuyunivhesiti kuitisa zvidzidzo zvekusekondari.

Senzira yekuvigiridza mabasa avo echitsotsi aya, mamwe ematicha anoudza vana kuti vasavadane nemazita avo chaiwo. Vanoda kudaidzwa vachinzi Gogo, Maiguru kana kuti Sekuru.

Mari iri kubhadharwa nevana inobvira paUS$0,50 pazuva kusvika US$10 pamwedzi, zvichienderana negwaro remwana.

Kunyangwe zvazvo mapurisa vachimbosunga maticha ari kuitisa zvidzidzo zvisiri pamutemo izvi, vamwe vacho vanoti vari kuita izvi senzira yekuwedzera mari yavanohora pamwedzi.

Mamwe ematicha aya anoti zvakare vabereki ndivo vari kuvakumbira kuti vadzidzise vana vavo, zvikuru avo vakatarisirwa kuzonyora bvunzo.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba vanokurudzira vanhu vane ruzivo pamusoro pezvikoro zvemukoto izvi kuti vazivise mahofisi avo kuitira kuti patorwe matanho akakodzera.

“Takanzwa nemarehwa-rehwa kuti kune maticha ari kuitisa zvidzidzo zvemukoto mudzimba dzavo. Izvi zvinoita kuti basa redu riome nekuti hatikwanise kuenda paimba imwe neimwe tichiongorora kuti zvakamire sei. Hatina mvumo yekuita izvozvo maringe nezvinodiwa nemutemo.

“Asi sevabereki, ibasa redu rekuchengetedza vana vedu. Hatizive ane hutachiona hwecoronavirus (hunokonzera Covid-19). Kana mumwe chete akatapurirwa, mhuri yose inenge yave panjodzi yekutapurirwawo.

“Hatifanire kuisa upenyu hwedu panjodzi nekusatevedzera zvinokurudzirwa neHurumende,” vanodaro.

Vanoti maticha anobatwa achiitisa zvidzidzo zvisiri pamutemo izvi anogona kurangwa kuburikidza nekuendeswa kumatare edzimhosva uye bazi ravo rine matanho arinotora zvakare kupfidzisa vanoita hunhubu hwakadai.

Ongororo yakaitwa neKwayedza mumarukisheni ari maMutare inoratidza kuti mamwe maticha ave kutya kuramba achiitisa zvidzidzo izvi zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19.

Mumwe ticha wekuSakubva anoti akambomira kudzidzisira vana pamba pake.

“Ndiri kumbomira kwemasvondo maviri kana matatu ndichiona kuti mamiriro ezvinhu angasanduke here,” anodaro.

Zvisinei, mumwe mubereki anoti acharamba achiendesa mwana wake ari kuita Fomu 4 kuzvidzidzo zvemudzimba izvi sezvo akatarisana nekunyora bvunzo.

“Zvakati omei kwandiri nekuti mwana wangu ari kuita Fomu 4. Anogona kuzonyora bvunzo munguva inotevera kana mamiriro ezvinhu adzikama saka kana ndikasaita izvi anosaririra kumashure muzvidzidzo zvake.

“Murairidzi wake akandivimbisa kuti achatora matanho ose ekudzivirira Covid-19. Ari kuona kuti vana vadzidza vakataramukana uye nekuzora maoko avo sanitizer pavanenge vari pamba pake,” anodaro mubereki uyu.

Zvikoro zvaifanirwa kuvhurwa nemusi wa28 Chikunguru asi Hurumende yakazopfuudza kumberi kuvhurwa kwazvo senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links