Uncategorized

Matombo onaya semvura

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

DAMBUDZIKO remhuri yekwaNyika, kuBikita, mudunhu reMasvingo iyo iri kungotsvirwa nedzimba nemoto unongotanga woga rinonzi richiri kuenderera mberi uye matombo achiri kungonaya achibva mumhepo achitema vanhu.Mhuri yekwaMakuwe inobva mumusha waSabhuku Makuwe, kuDuma, pasi paMambo Mukanganwi yakatarisana nemashiripiti ekutsvirwa nedzimba nemidziyo yose nemoto unogotanga woga uye mari iri kungotsakatika nezvimwe zvinhu zvakaita sezvivhitivhiti nemaredhiyo zvichidzimwa nevanhu vasingaonekwe.

Vemhuri iyi vanongotemwa nematombo anobva mumhepo.

Dambudziko remhuri iyi rinonzi rakatanga mumwedzi waGumiguru 2017.

Musha wakatarisana nemanenji aya ndewemushakabvu VaSimon Makuwe avo vaiva muvhangeri muchechi yeZCC Mbungo.

VaMakuwe vakasiya mudzimai Mbuya Easther Makuwe nevana vavo avo vari kugara pamusha wemashiripiti uyu.

Kwayedza payakashanyira musha uyu kumavambo kwegore rapera, yakazvionera pamunhu sefodya apo moto wakangotanga kubvira pane imwe imba yemhuri iyi uye vatori venhau vakadzingirirwawo nematombo aibva mumhepo zvikaita kuti vaite chamurambamhuru neruzhinji rwemusha kwechinhambwe chirefu.

Last Makuwe (44) anoti dambudziko rekutemwa nematombo anobva mumhepo rakatanga zvakare munguva pfupi yadarika.

“Dambudziko riya ramakambovinga kuno kuBikita remusha wedu uchitsva nemoto waingotanga woga nematombo aidzingirira vanhu rakambenge rapera. Asi rakazotanga zvakare apo matombo ari kungopotserwa vanhu kumba kwaamai.

“Amai vakatemwa izvozvi vakatombopunzika vakakuvara,” anodaro achitaura panhare neKwayedza.

Anoti matombo aya akatangira kumba kwevabereki vavo uye ave kuenda kudzimba dzemhuri yose.

“Matombo aya akatanga nemusi wa19 Mbudzi nekudaro tave kutya kuti zvichadzoka zvose nemoto. Takasara tisina kana chinhu kusanganisira zvekudya nezvekupfeka uyewo zvekufuga, dzimba chaidzo dzakaparara nemimwe midziyo yose inosanganisira mawadhiropu, matv nezvimwe. Takambobatsirwa zvikapera, asi zvakatanga futi,” anodaro.

Mbuya Makuwe vanonzi vakatotiza pamba pavo ndokunogara kudzimba dzevanakomana vavo uko kunonziwo kwave kutevera matombo anobva mumhepo aya.

Nguva pfupi yadarika, vemhuri iyi vakawanda vakakuvadzwa nematombo aibva mumhepo aya avo vanosanganisira Mbuya Makuwe, Beauty Mawire naLast Makuwe.

“Sepanguva yekutanga, tichiri kungotsvaga rubatsiro tichiti kune vanokwanisa kutibatsira vanotibata pa0773 928 500 kana 0773 540 387,” anodaro Last Makuwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>