‘Matsime emuHarare ingozi’…95% yemvura yacho ine tsvina yevanhu

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Matsime emuHarare ingozi’…95% yemvura yacho ine tsvina yevanhu VaVictor Nyamandi

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIPO chemvura yose yemumatsime nemigodhi yemuguta reHarare haina kukodzera kunwiwa kana kushandiswa mudzimba sezvo yakasangana netsvina yevanhu.

Vanhu vachichera mvura patsime riri kuChitungwiza

Izvi zvakabuda pamusangano uchangobva kuitwa muHarare neUnicef uyo waikukurukura pamusoro pezvinangwa zveSustainable Development Goal 6 iyo inokurudzira kuti munhu wose awaniswe mvura yekunwa neyekushandisa mamwe mabasa yakachena.

Vachitaura pamusangano uyu, director wechikamu cheEnviromental Health Services mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, VaVictor Nyamandi, vanoti mvura yemumatsime nemigodhi mizhinji (95%) muguta guru iri haina kukodzera kunwiwa nevanhu kana kushandiswa mamwe mabasa anoda mvura yakachena nechikonzero chekuti ine tsvina.

Vanoti mutsvakurudzo yakaitwa mugore ra2016, zvakaonekwa kuti migodhi nezvibhorani zvinosvika chikamu 95 percent zviri muHarare hazvina mvura yakachena nekudaro zvinofanirwa kuvharwa sezvo mvura yacho yakasangana netsvina yevanhu.

Vanoti migodhi iyi iri kungocherwa vanhu vasina kutsvaga mazano kubva kunanamazvikokota veutano kuti ingacherwa papi pakakodzera.

“Tsvakurudzo yakaitwa inoratidza kuti migodhi ine chikamu chinosvika 95 percent haina mvura yakachena, yakasangana netsvina yevanhu. Vanhu vari kungochera migodhi iyi vasina kupihwa mapepa ekuti apa pane mvura yakachena.

“Mukatarisa kumarukisheni kune dzimba dzakawanda dzakabatana saka hazvigoneke kuti paimba iyi pacherwa mugodhi apo pacherwa futi, ndipo mvura inozosangana netsvina pasi.

“Kunyangwe mukazvisimbisa kuti tinoifashaidza, hazvishande nekuti iwe munhu pane pauchanwa mvura ine tsvina yako.

“Isu sebazi, hatitendere kuti mudhorobha muite matsime kana zvibhorani, tinofanirwa kushandisa mvura inobva kwainenge yakagadzirwa zvakanaka chete,” vanodaro. Vagari vemuHarare, pamwe chete nemamwe maguta nemadhorobha – anosanganisira Bulawayo – vakatarisana nedambudziko guru rekushaikwa kwemvura izvo zvave kuita kuti vakawanda vararame nemvura yemumatsime nemigodhi inongocherwa nevanhu mumisha yavagere.

Share This:

Sponsored Links