Matsotsi ane danga remombe musango

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARUME vaviri vekuBeatrice vakamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Court vachipomerwa mhosva yekuba mombe 14 dzinokosha $10 700 idzo vaitengesa vachidzichengetera mudanga ravaive vavaka pakati pesango.

Kevin Chimombe (48) naMalvern Chiworeso (26) vakamiswa pamberi pemutongi Gideon Ruvetsa uye vari kuramba mhosva yavari kupomerwa. Vaviri ava vakanzi vadzoke kudare munguva pfupi inotevera apo vachatongwa vachibva muchizarira. Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti mangwanani emusi wa7 Chikunguru, Misheck Chapera uyo anova mufudzi wemombe papurazi reJoe Mazhidziwa Welcome Home Farm, Sub-division 5, kuBeatrice, akaendesa mombe 58 kumafuro ndokubva adzisiya ikoko achiti aizodzitora munguva dzemanheru. Vasungwa vaviri ava vanonzi vakabva vatora mukana uyu vachibatsirana naCollen Choto uyo asati abatwa, ndokuba mombe nhatu idzo vakachengeta mudanga ravakavaka pakati pesango chinhambwe chemakiromita mashomanana kubva paChiworeso. Chapera paakaenda kunotora mombe kumafuro, ndipo paakaona kuti dzimwe nhatu dzakanga dzisisipo. Zvinonzi pazuva rimwe chete iri, Wellington Gwarada — uyo ainge akamiririrwa mudare nemukomana wake wemombe anonzi Richard Mutemeri – akaenda nemombe 25 kumafuro achibva adzisiya ikoko. Vasungwa vaviri ava, vachibatsirana naChoto, vakaba zvakare mombe 11 vakaenda nadzo kudanga ravo riri musango iri.

Muzuva rakatevera, Chiworeso anonzi akafamba achitsvaga vanhu vanotenga mombe idzi achibva asangana nemumwe muzvinabhizimisi ane mabhucha muHarare anonzi Shepherd Mushipe. Mushipe anonzi akaenda kunoona mombe 14 idzi aine mumwe wake anonzi Albert Marapira achibva avimbisa kuti aizodzoka odziuraya pazuva rimwe chete iri kana achinge awana rori rekudzitakura. Mushipe naMarapira vakava nefungidziro yekuti mombe idzi dzaigona kudaro dzakabiwa zvichitevera kuona kwavakaita danga raiva pakati pesango, iro rainge risina ndove vachibva vanyevera mapurisa.

Mapurisa akaenda kwaive nedanga remusango iri ndokunosunga Chimombe naChiworeso avo vanonzi vaive padanga ravo idzva iri.

Share This:

Sponsored Links