Matsotsi obhadharisa ‘toll-fees’

21 Aug, 2014 - 08:08 0 Views
Matsotsi obhadharisa ‘toll-fees’

Kwayedza

21082014KWA-MAI-HAR-08PANE chikwata chevarume chiri kuita basa rekuvamba ma”tollgates” echikiribidi muHarare uko chiri kupota chichibhadharisa vatyairi vedzimota, kunyanya vemakombi, avo vanenge vatiza kudarika nepama”tollgates” epamutemo eZINARA kana kunzvenga mapurisa mumigwagwa mikuru.

Kwayedza yakaita ongororo ikasangana nechikiribidi ichi apo yakabhadhariswa mari kuti mota idarike. Yakaonawo vatyairi vane chitsama vachibhadhariswa mari dze“toll fees” nevarume vari kuita chitsotsi ichi.

21082014KWA-MAI-HAR-082Vedzimotokari avo vanonzvenga tollgate riri pedyo nepaSkyline, mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuMasvingo, vachishandisa tumigwagwa twunoenda nemumakura vooneswa chitsvuku nechikwata chenhubu ichi vachibhadhariswa mari inodaidzwa kuti “woshora nyika” yekuti vadarike nemumasango ari nekwakabvira kumadokero kweguta guru.

Migwagwa inoshandiswa nevatyairi ava inoti mumwe wekunzvenga tollgate unopinda nepadivi rehotera yeSkyline uchidarika nekuSouthlea Park, uchizobudira pedyo nemusika wefodya weBoka Tobacco Auction Floors kana kuHopley.

Vamwewo vari kushandisa mugwagwa weMhondoro-Marirangwe, uyo unodarika nekudzimba dzeBorder Gezi Housing Co-operative. Yose migwagwa iyi yazara nevarume vanoita zvechitsotsi ava.

Vatori venhau vakatevedza mugwagwa unoshandiswa nemakombi anonzvenga mapurisa achibva kuMhondoro uko vatori venhau vakabhadhara mari inodiwa nemakoronyera aya kuti vadarike.

Mugwagwa uyu kubva paunobuda mumugwagwa weMarirangwe-Mhondoro, kunosvika kudzimba dzeBorder Gezi pane ma“tollgates” echitsotsi matatu apo vatyairi vanobhadhariswa mari.

Pamagedhi matatu aya, Kwayedza yakatanga kubhadhara US$0,50 pa“tollgate” remusango uchangobuda mumugwagwa weMarirangwe, pane rechipiri riri pazambuko rerwizi Manyame ndokubhadhara zvakare imwe US$0,50 apo paiva pakaiswa matombo ekuvhara mumugwagwa uyewo pakacherwa makomba. Pechitatu pacho, nechemudzimba dzeBorder Gezi paibhadhariswa US$1 re“woshora nyika” apo paiva pakatoiswa boomgate resimbi nemadhiramu.

Patakasvikapo, vamwe vaivapo vakapinda pasi pezambuko, mumwe wevakasara varipo, Same Mbizvo (25), akati pazuva vanogona kuwana US$30 kana US$40 zvichisiyana nemazuva acho.

“Tinombodya nazvo. Asi ivo vatyairi havana basa nazvo nekuti mari yavanotorerwa nemapurisa uko, neyetollgate yakawanda. Kumapurisa uko vanonzi vasiye US$10, tollgate rovatorera US$2 kana US$3. Kureva kuti motokari imwe chete inotipa isu US$1 kuno aso kumugwagwa mukuru inosiya US$13,” akadaro Mbizvo.

Akazosanduka zvakare ave kuti makomba avakachera mutumigwagwa kuitira kuti motokari dzisapinda pazambuko iri, achiti vakatumwa nemapurisa senzira yekuti mugwagwa uyu usafambike.

Obvunzwa kuti aizviziva here kuti zvavaiita kutyora mutemo, akati kwete.

Mumwe murume wechikuru akaramba kutaura zita rake, uyo airatidza kuti arimowo muchikwata ichi, akati hapana chakaipa pane zvavari kuita zvekuisa ma“tollgates” mutumigwagwa twemusango nekuti vatyairi ava vanenge vachitiza kubhadhara mari chaidzo dzepamutemo.

“Vanhu vanotiza nekuno ava imbavha, vamwe vane zvakaipa zvavanotiza kumapurisa nekutollgate, saka ngavatorerwe mari dzavo,” akadaro murume uyu.

Vakawanikwa vari padzimba dzeBorder Gezi Housing Co-operative vakati hapana chakaipa pakuisa “tollgate” ravo mumugwagwa uyu.

“Isu hatibhadharise mari, chatinoita hatidi kuti vemakombi kana dzimwe motokari vashandise migwagwa yedu nekuti inokuvara. Vanotipa mari kuda kwavo voga. Migwagwa iyi inogadzirwa nemari dzedu saka takadai. Asi vanoita matollgate kumugwagwa unoenda kuMarirangwe avo matsotsi,” akadaro Tinashe Negomo (26).

Tonderai Maranga (24), uyo aiva panzvimbo imwe chete iyi, akatsinhirawo nyaya yekuti kune vanoisa matollgates echitsotsi mumigwagwa inonzvenga nemotokari iyi.

James Nhekairo (24) akati ariko makoronyera ari kuisa matanda nematombo mumigwagwa achitorera vatyairi mari.

“Zviriko hatirambe, kwete,” akadaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vakayambira vanhu ava kuti vari kutyora mutemo uye kuti vanogona kusungwa.

Vakapa muenzaniso wevanhu vaiita maroadblock echitsotsi pedyo nepaState House, muHarare, vachivhundutsira vatyairi nekuvabhadharisa mari, avo vakazosungwa.

“Ivo vatyairi vedzimotokari ngavashandise migwagwa chaiyo, kwete kutiza nemusango nekuti vanogumisira vabirwa kana kuuraiwa nekubatwa chibharo nezvimwe. Idzo motokari ngadziite magwaro anodiwa kuti vasatize mapurisa nematollgates, matollgates aya ndiwo anopa nyika mari saka ngatisatize,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links