MaUnder-19 oenda kuWorld Cup

05 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
MaUnder-19 oenda kuWorld Cup Kelis Ndlovu

Kwayedza

Abel Ndooka

ZIMBABWE Cricket (ZC) yakadoma chikwata chemadzimai cheUnder-19 chichanokwikwidza kumutambo weInternational Cricket Council (ICC) Under-19 Women’s T20 World Cup kuSouth Africa.

Mutambo weICC Under-19 Women’s World Cup uchatanga nemusi wa14 Ndira uye uchizopera nemusi wa29 Ndira.

Zimbabwe yakaiswa muboka reGroup B rine zvimwe zvikwata zvinoti England, Pakistan neRwanda.

Muchinyorwa, ZC inoti chikwata chakasarudzwa naTrevor Phiri kuenda kumutambo uyu chichatungamirirwa naKelis Ndlovu uyo anove kaputeni.

Ndlovu mumwe wevatambi vecricket vechidzimai vari kusimukira munyika uye nguva pfupi yadarika, akambonomirira Zimbabwe achitambira chikwata chevakuru.

Izvi zvakamuona achitamba mumutambo weICC Women’s T20 World Cup Qualier 2022 kuUnited Arab Emirates munaGunyana gore radarika.

Kumutambo weUnder-19 World Cup, kuchange kuine zvikwata 16 izvo zvakaiswa mumapoka mana ezvikwata zvina.

Muboka rega-rega, muchabuda zvikwata zviviri zvichazonokwikwidza kuSuper Six League zvichirwira kupinda mufainari yemutambo uyu.

Zimbabwe mumutambo wekutanga ichasangana neEngland nemusi wa15 Ndira, yozosangana neRwanda nemusi wa17 Ndira uye mutambo wekupedzisira wemuboka iri ichatatsurana nePakistan nemusi wa19 Ndira.

Chikwata cheZimbabwe chichaenda kuWorld Cup kuSouth Africa chine vatambi vanotevera: Kelis Ndhlovu (kaputeni), Kelly Ndiraya, Kay Ndiraya, Adel Zimunhu, Natasha Mutomba, Vimbai Mutungwindu, Danielle Meikle, Tawananyasha Marumani, Michelle Mavunga, Olinda Chare, Kudzai Chigora, Betty Mangachena, Chipo Moyo, Faith Ndhlalambi naRukudzo Mwakayeni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey