Madzimai musagarire mawoko – Muchinguri

21 Dec, 2013 - 23:12 0 Views
Madzimai musagarire mawoko – Muchinguri

Kwayedza

GURUKOTA rezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa
kwenharaunda, Cde Oppah Muchinguri, vari kukurudzira vanhukadzi kuti vashande nesimba kuitira kuti vasimukire muraramo yavo.
Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika apo vaiona mabhindauko eWomen Embroidery and Craft Project ayo ari kuitirwa pamba paMai Jane Chitsunge, kuGreystone Park, muguta reHarare.

“Ndinotenda zvikuru nemabasa ari kubatwa naMai Chitsunge ekubatsirana nemadzimai vachivaitisa mabhindauko akasiyana kuti vagone kuraramisa mhuri. Mawoko haasi ekugarisa pasi asi kuti anofanira kuunza chouviri nekuti ndizvo zvinosimudzira upfumi hwenyika zvichienderana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset,” vakadaro Cde Muchinguri.

Vakati madzimai akangwara anoshandisa zviwanikwa mukugadzira zvinhu zvinopa pundutso zvakadai sekusona matehwe vachigadzira mbatya, mabhegi, kubika nezvimwe.

“Nyika yedu ine zviwanikwa zvakawanda zvatinogona kushandisa kuti tinge tichiwana mari kubva mazviri uye ndinofara zvikuru nekuona zvimwe zvinhu zvamunogadzira zvinofarirwa munyika muno nekunze. Bazi redu rakaisa US$100 000 parutivi yakamirira kuti madzimai akwerete mukusimudzira mabhindauko avo,” vakadaro.

Vakati vanoda kuti madzimai akawanda apinde munyaya dzezvezvicherwa, kurima, kushanya nekugadzira midziyo yakasiyana.

“Tine donzvo zvekare rekurwisa nyaya dzemhirizhonga mudzimba nemumabasa pamwe nekumbunyikidzwa kana kubatwa chibharo kwemadzimai nevana. Munguva pfupi yadarika, takatambira magwaro akabva kubazi rinoona nezvinoitika mukati menyika, reHome Affairs, airatidza kuti vasikana vechidiki vanokwana 100 vari kubatwa chibharo pasvondo rega-rega zvinova zvinodzimba moyo wangu,” vakadaro Cde Muchinguri.

Vakaenderera mberi vachiti chinonyanya kuvarwadza kubatwa chibharo kwevana vadiki nevanhu vekuziva pamwe nehama dzepedyo idzo dzinofanira kunge dzichivachengetedza. Bazi ravo, vakadaro, rine nzvimbo mbiri pari zvino idzo dziri kuMasvingo (Roger Howman) neMashonaland East (Jamaica Inn) dziri kubatsira mukuturenwa kwemadzimai ekumaruwa mumabhindauko ekuveza, kudhirowa, kurima mbatatisi mumasaga, kuchengeta huku nemombe dzemukaka.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vaisanganisira vamiriri venyika dzinoti Brazil, United Kingdom, Canada, Zambia, Malawi, Spain nePortugal.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey