Mavambo engano

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MAVAMBO:

Ngano dziri muboka reuvaranomwe hwemutaurwa, uye dzakaumbwa nezvikamu zvitatu zvinoti mavambo, pakati uye magumo. Ngano zhinji dzinotanga zvakada kufanana sekuti, Kwaivepo . . ., Kune imwe nyika iri kure kwazvo . . ., Ndokunge ari mumwe murume nomukadzi wake . . ., Kare kare kwazvo . . ., Naiwayo mazuva kwaive . . ., Kareko zvako . . .

Aya haasiriwo ega matangiro anogona kuita ngano. Kazhinji matangiro engano anoenderana nenzvimbo inogara sarungano wacho uye ruzivo rwake rwemutauro. Zvakakosha kuongorora kuti ngano dzinotanga sei mubhuku raunenge uchidzidza.

Matangiro mazhinji engano ndeekuti sarungano aiedza napose paaigona kukwezva vateereri vake kuti avatore kuvaisa munyika yekare kare kana iri kure kwazvo uko zvinhu zvose zvaigona kuitika. Izvi zvaibatsira kuti kana vana vaudzwa nasarungano kuti Kare kare kwazvo munyika iri . . ., vana havaizoita simba rekubvunza mibvunzo kuna sarungano maringe nezvavaitaurirwa izvo zvaigona kuzopesana nezvainge zvichionekwa navana muupenyu hwavairarama mazuva ose.

Nokudaro, kudhonzera vana kunyika iri kure, uye yakare kwainge kwakakosha chose pakupa dzidziso inovaka upenyu hwavana pasina kukakavadzana pakati pasarungano navateereri vake. Pamavambo engano ndipo zvakare panobudiswa mamiriro anenge akaita zvinhu mungano sokuti dambudziko richasanganikwa naro murungano rakafanana nenzara kana kushaikwa kwembereko nemhuri.

Kumavambo engano ndiko zvakare kwatinoona nzvimbo inenge ichiitikira ngano yacho. Sarungano anoedza chose kuti ajekese kuti nzvimbo iyi hakuna muteereri anonyatsoiziva takanangana nezvinoitika mairi.

Zvakare kumavambo kwengano tinowanzosangana nemazita evatambi vemungano sekuti paivapo Tsuro naGudo . . ., Izvi zvinongojekesa kuti Tsuro naGudo ndivo vamwe vevatambi vachaonekwa mungano iyi.

Svondo rinouya tinopedzisa mamiriro engano tichitarisa pakati nekumagumo.

Share This:

Sponsored Links