MaWarriors ane gomo guru rekukwira

31 Oct, 2024 - 18:10 0 Views
MaWarriors ane gomo guru rekukwira MaWarriors achitamba neEswatini svondo radarika

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chemaWarriors chine gomo guru rekukwira nemusi weMugovera apo chichasangana necheEswatini mumutambo wechipiri wekurwira tikiti rekuenda ku2025 African Nations Championships (CHAN).

Svondo radarika, zvikwata zviri izvi zvakasangana kuFrancistown, kuBotswana mumutambo uyo maWarriors akakundwa 3-0 neEswatini.

Saka izvi zvinoreva kuti apo zviri kusangana kechipiri mumutambo uchatambirwa kunhandare yeMbombela Stadium kuNelspruit, kuEswatini maWarriors anofanirwa kutorwa semvumba.

Chikwata chenyika ichi, icho chiri kurairidzwa naTakesure Chiragwi, chinofanirwa kutotamba kusvika pakudambuka makumbo segurwe kuti chigokunda Eswatini nezvibodzwa zvinodarika zvina uye kune rimwe divi, chisinganwiswewo sezvo iyi ndiyo nzira ichabatsira kuti maWarriors afambire mberi mumutambo uyu.

Chikwata chichahwina chichazosangana necheMadagascar mumutambo wekupedzisira wekurwira kuenda kuCHAN 2025 munaZvita.

Mutambo weCHAN uchatambwa gore rinotevera munaKukadzi kunyika nhatu dzinoti Kenya, Uganda neTanzania.

Makwishu aya anosarudzwa vatambi vanotambira zvikwata zvemunyika dzavo uye akakosha nekuti ndiwo akabatsira kusimudzira vatambi vemuZimbabwe vanosanganisira George Chigova, Kuda Mahachi, Milton Ncube, Erick Chipeta naPartson Jaure avo vakazoenda kunotambira nhabvu yavo kunze kwenyika.

Zimbabwe yakambopotsa nepadiki-diki yahwina mukombe weCHAN mugore ra2014 apo yakasvika kumasemi-final yemutambo uyu pawakatambirwa kuSouth Africa.

MaWarriors, ayo panguva iyi airairidzwa naIan Gorowa, akazokundwa musemi-final neLybia 5-4 kumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 0-0.

Lybia ndiyo yakazohwina mukombe uyu zvichitevera kukunda kwayakaita Ghana 4-3 kumapena sezvo mutambo wacho wainge wapera ari mangange 0-0.

Share This:

Sponsored Links