MaWarriors: Kuroyiwa here?

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
MaWarriors: Kuroyiwa here?

Kwayedza

IAN GOROWAVATSIGIRI vechikwata chenyika chemaWarriors vari kuchema-kuchema zvikuru nematambiro achakaita svondo rapera zvichitevera kukundwa kwachakaitwa neTanzania zvakaita kuti chibve chabuda mumakwikwi ekurwira tikiti rekuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations.

Kubvira mugore ra2006 apo maWarriors akapedzisira kuenda kumutambo uyu, nhabvu yechikwata ichi yakatanga kudzikira zvikuru kunyangwe hazvo gore rino vazhinji vange vakaisa tariro yavo pana Ian ‘Dibango’ Gorowa (ari pamufananidzo) uyo wavange vachitemba vachiti anogona kudzosa mufaro kumaWarriors pamwe nenyika yese.

MaWarriors akapedzisira kuenda kunokwikwidza kumutambo uyu mugore ra2006 uyo wakatambirwa kuEgypt apo airairidzwa naCharles Mhlauri.

Panguva iyi, chikwata ichi chaive nevatambi vaisanganisira Peter Ndlovu, Benjani Mwaruwari, Shingirayi Kawondera, Edzai Kasinauyo, Cephas Chimedza naTinashe Nengomasha.

Mugore iri, maWarriors akakwanisa kubuda muboka raive nezvikwata zvinoti Angola, Nigeria, Gabon, Algeria pamwe neRwanda umo akapedza ari pechitatu ndokuenda kuEgypt asi ndokuzokundikana kubuda muboka raakange aiswa.

Kubvira mugore iri,   chikwata ichi charairidzwa nevarairidzi vanosvika vatanhatu uye vose vakundikana kusvika kumakwishu emutambo uyu.

Gore ra2008 rakaona Mhlauri achidzingwa basa neZifa mushure mekunge atadza kuendesa maWarriors kuGhana uko kwakatambirwa mutambo uyu apo akaiswa muboka rechi12 raive nezvikwata zvinoti Morocco neMalawi.

Zvakadaro, Mhlauri akatsiviwa naJose Claudinei uyo vazhinji vaimuziva nezita remadunhurirwa rekuti Valinhos.

Valinhos akapihwa basa rekuumba chikwata icho chaizorwira kuenda kumutambo weAFCON 2010  wakatambirwa kuAngola pamwe neweWorld Cup 2010 South Africa.

Muchinda uyu haana kupedza gore achirairidza maWarriors sezvo  akazodzingwa basa atadza kuhwinsa chikwata ichi kuti chiende kumitambo miviri iyi.

Gore iri maWarriors akaiswa muGroup 2 umo maive nezvikwata zvinoti Guinea, Kenya pamwe neNamibia. Guinea neKenya ndizvo zvakabudirira kuenda kumutambo uyu.

Zvakadaro, gore ra2012 raive rizere nekukakavadzana muZifa pamusoro pekugadza murairidzi mutsva aizotungamira maWarriors kuenda kuGabon uko kwaitambirwa mutambo weAFCON.

Zvichitevera kudzingwa basa kwakaitwa Valinhos, Tom Saintfient akagadzwa pachigaro chinopisa ichi neZifa asi dzimwe nhengo dzesangano iri dzaisamuda dzichiti Norman Mapeza apihwe basa rekurairidza maWarriors.

Saintfient haana kumbowana nguva yekushanda muno sezvo akabva adzingwa apo akabatwa nemhosva yekusevenzera munyika asina magwaro akakwana.

Zifa yakabva yagadza Mapeza kuti atungamirire maWarriors murwendo rwekuenda kuAFCON Gabon 2012.

Mapeza akatanga zvine moto zvakaonekwa nekukunda kwakaita maWarriors Mali 2-1, Liberia 3-0 pamwe nekuita mangange 1-1 neLiberia uye 0-0 neCape Verde.

Zvisinei, Mapeza haana kuzotora nguva refu ari pachigaro ichi sezvo akabva amiswa basa neZifa achinzi akange ane chekuita nekutengeswa kwemitambo munyaya yakazozivikanwa seAsiagate.

Kumiswa kwakaitwa Mapeza basa, Rahman Gumbo akabva apinda panyanga pasara mutambo mumwe chete uyo maWarriors aifanirwa kuhwina kuti aende kuGabon.

Asi Gumbo akatadza kuita zvidobi-dobi zvake chikwata chake chikarakashwa 2-1 Cape Verde ikabudirira kuenda kumutambo uyu Zimbabwe ichisara pamwe neLiberia iyo yainge yakasunga muboka iri.

Gumbo akapihwa mukana wekuramba achirairidza chikwata ichi kuti agorwire kuenda kuAFCON 2013 kuSouth Africa asi gore iri maWarriors akatanga nekuburitswa muboka rawo neAngola asina kumbosvika kure. Zvakadaro, mutsigiri wenhabvu ari zvekare shasha pakuongorora mutambo uyu, Nelson Gomera weNelly Gomes Sports Consultancy,  anoti gore rairairidzwa naMapeza maWarriors ndipo paaifanirwa kuenda kuAFCON asi muchinda uyu akabatirirwa nenyaya yeAsigate iyo yaaipomerwa achinzi aive pakati pevanhu vaitengesa mitambo.

Gomera anoti hapana kwaanoona maWarriors achisvika nematambiro aakaita svondo radarika neTanzania.

“Ndinoona hangu sekunge mumakore ese atatadza kuenda kuAFCON gore ra2012 ndipo patakarasa mukana apo Mapeza paakamiswa basa neZifa nekuti chikwata chake chaitamba nhabvu inodakadza.

“Muchinda uyu aifarirwa nevatambi vake uye vainzwisisana kana nhabvu yavaitamba yaiyevedza zvikuru. Gumbo akapihwa basa asi hapana kana zvaakaita, paye takarasa mukana,” akadaro Gomera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey