MaWarriors matirwadzisa: Vatsigiri

04 Jul, 2024 - 22:07 0 Views
MaWarriors matirwadzisa: Vatsigiri Warriors

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vari kudya magaka mambishi zvichitevera kuburitswa kwakaitwa chikwata chemaWarriors, icho chinorairidzwa naJairos Tapera, mumutambo weCOSAFA Cup uyo uri kutambirwa kunyika yeSouth Africa.

MaWarriors aive muboka reGroup B nezvimwe zvikwata zvinoti Comoros, Zambia neKenya.

Mumitambo yawo miviri yekutanga, akakunda Comoros 1-0 ndokuzokunda Zambia 2-0 asi akazoburitswa akundwa mutambo wekupedzisira 2-0 neKenya.

Chakagumbura vatsigiri vazhinji ndechekuti maWarriors aive nemukana mukuru wekufambira mberi mumutambo uyu zvichitevera kuhwina kwaainge aita mitambo miviri yekutanga.

Muhurukuro neKwayedza mushure mekunge maWarriors abva kukundwa neKenya, akafanobata chigaro chemutungamiri wevatsigiri venhabvu munyika – Adomsi Mukwasi – anoti zvinorwadza zvikuru kuburitswa kwakaitwa maWarriors mumutambo uyu.

“Mafambiro ari ku‑ita nyaya dzenhabvu yedu munyika handiwo, ndizvo zviri kukanganisa nhabvu yedu uye zviri kutadzisa kufamba zvakanaka chikwata chedu.

“Tarirai dai tange takarongeka tisiri kuona zvakaitika izvi kuSouth Africa.

“Kubuda kwatakaita zvinorwadza nekuti takange tine mukuna mukuru wekuenda kure mumutambo uyu. Asi ndinoti tine chidzidzo chatinofanira kudzidza ipapa chekuti ngatirongeke. Ngatigadzirisei nhabvu yedu tisiyane nemahumbwe atiri kuita aya ari kukanganisa nhabvu yedu,” anodaro Mukwasi.

Mashoko ake anotsigirwa nemumwe mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira – Chris ‘Romario’ Musekiwa – achiti komiti itsva ichauya yeZifa Normalisation Committee inofanirwa kutsvaga murairidzi wemaWarriors uyo achashanda basa rekungorairidza chikwata ichi chete.

Anoti kumutambo weCosafa, maWarriors aifanirwa kutakura chikwata chevechidiki senzira yekusimudzira tarenda revatambi vanozomiririra Zimbabwe mune remangwana.

“Munyika muzere nevatambi vechidiki vakawanda vanotambira mumaregion eZIFA anotozivikanwa akaita seNorthern Region, Eastern Region, Central Region neSouthern Region. Imomo ndimo ngatitsvage vatambi vechidiki vekusimudzira tovatumira kumitambo iyi yeCosafa kuti tivagadzirire remangwana.

“Isu senyika tine mikombe mitanhatu yetakahwina yeCosafa saka taneta nayo. Tave kuda kugadzirira remangwana tirwire mikombe mikuru yakaita seAFCON nekuendawo kuWorld Cup, manje kana tichiita zvatiri kuita izvi hapana kwatiri kuenda.

“South Africa chaiyo yakatumira vatambi vayo vane makore ari pasi pe23 okuberekwa uye vari kutamba zvinonwisa mvura.

“Vari kuzvigadzirira remangwana ravo, isuwo ngatitore nzira imwechetewo titange kugadzirira remangwana redu nekutsvaga vatambi vechidiki tichivatumira kumitambo iyi pane kuramba tichingotora vatambi vamwechete ivavo vapera kare, ngatipagadzirise ipapo,” anodaro Musekiwa.

Share This:

Sponsored Links