Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chemaWarriors gore rino chichabandana nezvimwe zvinoti Zambia, Comoros neKenya kumutambo weCOSAFA Cup uchatambirwa kunyika yeSouth Africa.
Mutambo uyu uchatanga musi wa26 Chikumi uye wemaWarriors uchatambwa musi wa27 apo chikwata chenyika ichi, icho chiri kurairidzwa naJairos Tapera, chichasangana neComoros kunhandare yeNelson Mandela Bay.
Mutambo wechipiri uchaona maWarriors achitatsurana neZambia nemusi wa30 Chikumi, kuchiti wekupedzisira wemuboka ravo uchatambwa musi wa2 Chikunguru.
Mutambo uyu wave nemakore manomwe uchirongerwa kunyika yeSouth Africa uye maWarriors chimwe chezvikwata chinogara chichikwikwidza.
MaWarriors akapedzisira kusimudza mukombe wemutambo uyu mugore ra2018 apo akakunda Zambia 4-2 mufainari.
Panguva iyi, chikwata ichi chairairidzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa uye akakwanisa kuchengetedza mukombe uyu uyo waainge ahwina muna2017 apo MaWarriors akakunda zvekare Zambia 3-1 mufainari yainakidza kukunda ngoma kurira. MaWarriors achipinda mumutambo wegore rino, ari kusangana zvekare neChipolopolo (Zambia) muboka rimwechete.
Chipolopolo ndiyo ine mukombe weCosafa uyo yave nemakore maviri ichiuhwina izvo zvakaona ichiuhwapura makore anoti 2022 na2023.
MaWarriors haana kukwikwidza makore maviri aya sezvo Zimbabwe yakange yambotemerwa zvirango zvakasiyana zvenhabvu neFIFA neCAF.