Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chemaWarriors chiri kutofanirwa kusunga dzisimbe nemusi weSvondo uno apo chichasangana neEswatini mumutambo wekurwira kuenda ku2025 African Nations Championship (AFCON).
MaWarriors achatatsurana neEswatini mumitambo miviri yakatevedzana uye wekutanga uri kutambirwa kunhandare yeObed Itani Chilume Stadium kuFrancistown, kuBotswana musi weSvondo apo wechipiri uchizotambwa musi wa2 Mbudzi.
Nerimwe divi, mutambo weAfrican Nations Championship 2025 uchatambwa munaKukadzi gore rinotevera kunyika nhatu dzinoti Kenya, Tanzania neUganda.
Sangano rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association (ZIFA) rakasarudza kushandisa nhandare yeObed Itani Chilume Stadium sezvo parizvino munyika musati mave nenhandare iri padanho rinotenderwa kutambirwa mitambo mikuru neCAF neFIFA.
Chikwata chichatamba neEswatini ichi chiri kurairidzwa naTakesure Chiragwi uyo anove mutevedzeri waMichael Nees.
Muchikwata ichi, makasarudzwa vatambi vane mazera ari pasi pemakore 20 ne23 okuberekwa uye chingori nevatambi vana (4) chete vane nguva refu vachitambira nyika.
Svondo rino, ZIFA yakanyora papeji rayo repaX apo yakaburitsa mazita evatambi vari muchikwata ichi uye nekuzivisa kuti murairidzi weNgezi Platinum, Chiragwi, ndiye acharairidza chikwata ichi mumitambo miviri apo vachasangana neEswatini.
“Takatarisana nemitambo yekurwira kuenda kuCHAN iri kuuya, Zimbabwe yasarudza chikwata chiri kuumbwa icho chine vatambi vechidiki veU23 neU20 pamwechete nevamwe vana (4) vakuru.
“Chikwata ichi chicharairidzwa naTakesure Chiragwi uye gadziriro dzacho dziri kuitirwa muHarare,” inodaro ZIFA.
Vatambi vati kurei vakasarudzwa kupinda muchikwata ichi vanoti Godknows Murwira weCAPS United, Donovan Bernard (Chicken Inn), Obriel Chirinda (Ngezi Platinum) naThandolwenkodi Ngwenya (FC Platinum). Kuchiti vatambi vechidiki vanosanganisira Junior Bunjira (CAPS United), Tinashe Mavhudzi (Chegutu Pirates), Allan Chapinduka (TelOne), Blessing Kagudu (Herentals) naBlessed Ndereki (Yadah Stars FC).
Zvichakadai, chikwata chemadzimai chemaMighty Warriors chiri kunyika yeSouth Africa kumutambo we2024 Hollywoodbest COSAFA Women’s Championship uyo uri kutambirwa kuPort Elizabeth.
MaMighty Warriors achasangana neMozambique nemusi weChina chino mumutambo wavo wekutanga uye ozosangana neLesotho musi weSvondo mumutambo wechipiri wemuboka rawo Group D.