MaWarriors tichiri nemukana: Mpandare

11 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
MaWarriors tichiri nemukana: Mpandare Wellington Mpandare

Kwayedza

Abel Ndooka

MANEJA wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors – Wellington Mpandare – anoti Zimbabwe ichiri nemukana mukuru wekubudirira kuenda kumutambo weQatar World Cup zvisinei nekukundwa kwayakaitwa neGhana musi weMugovera.
MaWarriors akakundwa 3-1 nemaBlack Stars eGhana neMugovera wadarika mumutambo wakatambirwa kuGhana uye zvikwata zviviri izvi zviri kusangana zvekare munyika muno neChipiri chino mumutambo uyo maWarriors anofanirwa kuhwina.

MaWarriors akangokundwa mutambo uyu chete mukana wavo wekuenda kuWorld Cup unobva watopera.
Mpandare anoti maWarriors achiri mumujaho wekurwira kuenda kuQatar World Cup uye ari kufanirwa kuhwina mitambo yawo yese yasara, kutanga neweGhana.

“Tichirimo murwendo rwekurwira kuenda kuQatar. Chatinofanirwa kuita kuhwina mitambo yedu yose yasara chete,” anodaro Mpandare.

Kana maWarriors akahwina mitambo yavo yose yasara, anenge ave nezvibodzwa 10 uye achishuvira kuti zvimwe zvikwata zviri muboka reGroup G zvirasikirwe nezvibodzwa mumitambo yazvo yasara.

Share This:

Sponsored Links