MaWarriors tiri tose: Vatsigiri

07 Nov, 2024 - 10:11 0 Views
MaWarriors tiri tose: Vatsigiri Admosi Mukwasi

Abel Ndooka

VATSIGIRI venhabvu vechikwata chemaWarriors vanoti vachafamba nacho apo chakatarisana nemitambo miviri mikuru yekurwira kuenda ku2025 Total Energies Africa Cup of Nations.

MaWarriors masvondo anotevera achasangana neKenya neCameroon mumitambo iyo anofanirwa kuhwina kana achida kubudirira kuenda kuMorocco gore rinotevera uko kuchatambirwa mutambo weAFCON.

Chikwata ichi, icho chinorairidzwa naMichael Nees, chichasangana neKenya svondo rinotevera musi wa15 Mbudzi mumutambo unogona kutambirwa kuSouth Africa uye musi wa19 Mbudzi chichaenda kuYaounde kuCameroon uko chichatamba nechikwata cheIndomitable Lions.

Parizvino muboka reGroup J, maWarriors akagara pechipiri aine zvibodzwa zvisere kubva pamitambo mina uye ari kufanirwa kuhwina mitambo yese yasara yeKenya neCameroon kuti agoenda kuMorocco.

Akafanobata chigaro chemutungamiriri wevatsigiri venhabvu munyika – Adomsi Mukwasi – anoti sevatsigiri vari mushishi kuita gadziriro dzekuti vagofamba nemaWarriors kuenda kumitambo miviri iyi iyo anoti anofanirwa kuhwina.

“Mitambo yakatarisana nechikwata chedu miviri yeKenya neCameroon yakakosha zvikuru uye vakomana vedu vanofanirwa kuihwina. Saka isu sevatsigiri tiri kuronga kuti tigofamba navo vakomana vedu kunovatsigira kumitambo iyi.

“Isu tinoziva kuti kuvepo kwedu vakomana vedu vanonzwa manyuku-nyuku votamba zvinonwisa mvura, nekudaro tichafamba navo nekuti tiri kuda kuti vahwine vagofadza nyika yese,” anodaro Mukwasi.

MaWarriors anotarisirwa kutanga kuunga neMuvhuro unotevera vakatarisana nemitambo miviri iyi.

Nekuda kwekuti muZimbabwe parizvino hamuna nhandare iri padanho rinotenderwa neCAF neFIFA, mutambo weKenya uchatambirwa kunze apo maWarriors anenge achinzi ari pamusha.

Share This:

Sponsored Links