Mawere ochema neCovid-19

18 Mar, 2021 - 13:03 0 Views
Mawere ochema neCovid-19 NEIL MAWERE

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yerugby iri kusimukira — Neil Mawere — ari kuchema-chema zvikuru kuti chirwere cheCovid-19 chakamudzorera kumashure sezvo aifanira kunge akaenda kuWits University kunyika yeSouth Africa gore radarika uko akange apihwa bhezari.

“Ndaifanira kunge ndakaenda kuWits University gore radarika asi hurongwa uhu hwakakanganiswa nekuda kweCovid-19. Zvose zvainge zvarongwa kuti ndiende asi kuuya kwechirwere ichi kwakanganisa zvakawanda.

“Iniwo pachezvangu ndakange ndave kutotyira hupenyu hwangu, saka ndiri kutozvichengetedza ndichigara mumba ndichiita hangu gadziriro dzangu. Ndinoziva kuti mimwe mikana ichauya yakawanda,” anodaro Mawere.

Muchinda uyu akanetsa achiri kuchikoro kuLomagundi College ndokuzobva azoenda kuOld Georgians uko akanoita Player of the Year mugore ra2018.

Mugore ra2019, akaenda kuSouth Africa nechikwata cheZimbabwe Academy kunokwikwidza kumitambo yeSuperSport Challenge uko akaita zvinorova ndokuonekwa nezvikwata zvizhinji akazopihwa mukana wekuwaniswa bhezari neWits University.

Rugby, semimwe mitambo yakaita senhabvu, yange yakambomiswa munyika muno kubvira munaKurume gore rapera senzira yekuti vanhu vasaungane nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Asi Hurumende svondo rino yakazivisa kuti mitambo yose yave kutenderwa kuchitambwa, pachitevedzwa mitemo yeWorld Health Organisation (WHO) neyemunyika muno maringe nekudzivirira kupararira kwedenda iri.

“Zvinofadza kuti mushure mekupedza nguva ndefu takangogara, iye zvino tave kudzokera kunotamba rugby mutambo wandinodisisa. Ndinoziva kuti ndikatamba zvemandorokwati mwaka uno ndichawana mukana wekuenda kuFrance kana kuUnited States of America chaiko,” anodaro Mawere.

Share This:

Sponsored Links