MaYoung Sables ogadzirira World Rugby U20

29 May, 2023 - 08:05 0 Views
MaYoung Sables ogadzirira World Rugby U20 MaYoung Sables

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenyika cherugby chemaUnder 20 – Shaun De Souza – ari kufara nekufamba kuri kuita gadziriro dzemaYoung Sables apo akatarisana nekuenda kunokwikwidza kuWorld Rugby U20 Trophy kuKenya munaChikunguru gore rino.

MaYoung Sables akabudirira kuenda kumutambo uyu zvichitevera kuhwina kwaakaita mukombe weBarthes Trophy uyo ahwina kaviri mumakore anoti 2022 na2023.

Muhurukuro, De Souza anoti gadziriro dzechikwata chake dziri kufamba mugwara rakanaka sezvo pari zvino vari kutamba mitambo yehushamwari nezvikwata zvemuno zvakasiyana.

Izvi, anodaro De Souza, zviri kuvabatsira kuona pavanofanira kugadzirisa vakatarisana nekuenda kuKenya.

Svondo radarika, maYoung Sables akatamba neOld Hararians uye mumasvondo anotevera achatamba neOld Georgians neHarare Sports Club.

MaYoung Sables asati aenda kuKenya anogona kutamba neSouth Africa pamwe chete neKenya mumitambo yehushamwari.

De Souza anoti shuviro yake kuti chikwata chake chiende kuKenya chinopedza chiri muTop 4 yezvikwata zvichakwikwidza kumutambo uyu.

“Gadziriro dzedu dziri kufamba zvakanaka chaizvo uye tiri kutamba mitambo yehushamwari yakawanda iyo iri kutibatsira kusimbisa chikwata chedu nekuti tiri kuda kuenda kuKenya kunotamba rugby yepamusoro kuitira kuti tipedze tiri muTop 4.

“Izvezvi tiri mukembi uye morari yakasimuka zvikuru nekuti mwedzi yadarika tange tichitamba mitambo yepamusoro tichihwina izvo zvaifadza zvikuru.

“Saka tinoda kuti zvirambe zvakadaro apo takatarisana nekuenda kumutambo weWorld Rugby Under-20 Trophy uko tinoda kunotamba rugby yepamusoro,” anodaro De Souza.

Kumutambo uyu, maYoung Sables akaiswa muboka rePool A rine zvikwata zvinoti Scotland, Uruguay neUSA/Canada.

Chikwata chaDe Souza chichatanga kusangana neScotland mumutambo uyo anoti vanofanirwa kuhwina kana vachida kusvika kuTop 4 yemakwikwi aya.

“Tinoda chaizvo kusvika kuTop 4 tozoona zvimwe zvinozotevera saka kuti zviitike, tinofanirwa kukunda Scotland mumutambo wedu wekutanga. Tikakunda Scotland tinenge tave nemukana mukuru wekusvika kuTop 4 nekuti zvimwe zvikwata izvo tinopedzerana nazvo.

“Tange tichiongorora matambiro ange achiita Scotland nguva pfupi yadarika kumitambo yakasiyana inosanganisira ye6 Nations uko yange ichikwikwidza,” anodaro De Souza.

Svondo rino, maYoung Sables ari kubandana neOld Georgians apo gadziriro dzawo dziri kuenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links