‘Mayunivhesiti anoramba akavhara’

20 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
‘Mayunivhesiti anoramba akavhara’ Prof Murwira

Kwayedza

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti mayunivhesiti acharamba akavhurwa uye achitevedzera zvose zvinodiwa mukudzivirira kupararira kweCovid-19 zvisinei nedanho rakatorwa rekuti zvikoro zvepuraimari nesekondari zvinonoke kutanga.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weHatfield Dr Tapiwa Mashakada.

Dr Mashakada vaida kuziva mamiriro enyaya yemayunivhesiti ayo akavhurwa kare zvichitevera danho rakazotorwa neHurumende rekupfuudza mberi kuvhurwa kwezvikoro senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

“Zvichitevera kuziviswa kwakaitwa negurukota rekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro kuti kuvhurwa kwezvikoro kwapfuudzwa kumberi, Hurumende inoti kudini pamusoro pemayunivhesiti akaita seUniversity of Zimbabwe, Africa University nemamwe ayo akange atovhura kare uye ari kuita zvidzidzo kutaura kuno?” vanodaro Dr Mashakada.

Prof Murwira vanoti mayunivhesiti acharamba akavhurwa sezvo akapihwa gwara raanofanirwa kutevedzera kudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Mayunivhesiti akavhura musi wa1 Chikumi uye ane zvaari kutevedzera mukuita basa rawo. Mayunivhesiti akapihwa gwara rekutevedzera kuitira kuti zvose zviitwe maringe nezvinotarisirwa neveutano,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti vadzidzi vekumayunivhesiti vachatanga kudzidza vari muzvikamu zvakapatsanurwa, kutanga nevari kunyora bvunzo dzekupedza fundo gore rino uye vachizoteverwa nevari kumashure kwavo.

Mumiriri weWarren Park, VaShakespear Hamauswa (MDC-Alliance) vakabvunzawo kana vadzidzi vasingagare pavanofundira vari kuwana zvekufambisa zvakakwana pakuenda nekudzoka kuchikoro.

Prof Murwira vanoti mayunivhesiti pamwe chete nemakoreji ari kuwana rubatsiro kubva kuZUPCO panyaya yezvekufambisa zvevadzidzi nevarairidzi vavo.

“Tose tinoziva kuti hatinganatse pane zvose asi tiri kuzama nepatinogona kuona kuti varairidzi nevadzidzi vakwanisa kunodzidza tichitora mukana wezvekufambisa zviripo. Zvisinei, senzira yekuti pasave nekufamba-famba kwakanyanya kwevadzidzi vari mugore rekupedzisira kumayunivhesiti akaita seUZ, CUT (Chinhoyi University of Technology neMSU (Midlands State University), vanofanirwa kugara pachikoro,” vanodaro.

Vanoti makoreji edzidzo yepamusoro akavhurawo zvakare svondo rapera uye vadzidzi vari kupedza fundo yavo gore rino ndivo vari kutanga kuenda kuchikoro.

“Zvakaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko zvinoreva kuti hapana zviri kuzonyevenutswa. Hazvizi kureva kuti mayunivhesiti avharwe, zviri kureva kuti hapana zvimwe zvinotarisirwa kuti zviitwe. Aya ndiwo maitiro atiri kuita. Mayunivhesiti nemakoreji ari kutevedzera zvinodiwa,” vanodaro Prof Murwira.

Share This:

Sponsored Links