Mayunivhesiti burai nyanzvi – Murwira

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Mayunivhesiti burai nyanzvi – Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Michael Magoronga
ZVIKORO zvemapolytechnics nemayunivhesiti muZimbabwe zviri kuita basa guru rekusimudzira makambani asiri kunyatsofamba zvakanaka seZiscosteel kuburikidza nekusimudzira ruzivo rwechizvino-zvino.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezvedzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kweruzivo rwemuchina, Professor Amon Murwira.

Mumashoko avo akaverengwa naPrincipal Director mubazi iri, Mai Martha Muguti, pachirongwa chekugashidzwa zvitupa kuvadzidzi vakapedza zvidzidzo paKwekwe Polytechnic, nguva pfupi yadarika, Prof Murwira vanoti zvinangwa zvekuva nemayunivhesiti nemakoreji ndezvekusimudzira ruzivo kuburikidza nekuita ongororo uye kuumbiridza unyanzvi.

“Kuburikidza nechirongwa chitsva che5,0 Design, vadzidzi vanowaniswa zvitupa vanotarisirwa kuti vange vachikwanisa kugadzirisa matambudziko anobata vanhu zuva nezuva, zvikuru ayo anobata vanhu munharaunda. Kana zvikadaro, tinotarisira kuti Kwekwe Poly inge ichitiburira vadzidzi vane hunyanzvi mune zvemaindasitiri pane vashandi, vagadziri vezvinhu kwete vatengesi, mainjiniya kwete vabatsirwi.

“Munotarisirwa kuenda kunotsigira maindasitiri aripo nekubura mamwe matsva,” vanodaro.

Pro Murwira vanoti makambani akadai seZiscosteel anofanira kusimudzirwa kuburikidza nekushandiswa kweruzivo rwemuno pamwe nezviwanikwa.

“Ndiri kuona kuti zvinhu zvangova pachena kuti maindasitiri anofanira kusimudzirwa asi pfungwa dzangu dzinofambirana nezvatiri kuona kuti tinofanira kutogadzirisa Ziscosteel nekuti tinozoda kutenga zvekushandisa kune dzimwe nyika pamwe neruzivo rwekufambisa indasitiri yacho,” vanodaro.

Vanoti nyika ino inofanira kubvisa kapfungwa kaye kekuti zvinhu zvose zvinotengwa kune dzimwe nyika.

“Kana tikatanga kutsigira ruzivo munyika muno, tichishandisa zviwanikwa zvedu, zvinobatsira mukuderedza huwandu hwemari yatinoshandisa mukutenga zvinhu kunze,” vanodaro

Bazi ravo, vanodaro Prof Murwira, riri munzira kuita zvirongwa zvekuona kuti makoreji nemayunivhesiti zvose zvabura hurongwa hune chekuita nekusimudzirwa kwemaindasitiri.

“Tinoda kuona kuti zvikoro zvose zvepamusoro zviri kuitei uye bazi rangu riri pamberi mukusimudzira zvirongwa izvi. Tinofanira kugadzira remangwana rakajeka.

“Tinoda kuti vashandi vedu vange vachifambirana neruzivo rwechizvino-zvino vachishandisa dandemutande reindaneti,” vanodaro Prof Murwira.

Vadzidzi 1 208 vakawaniswa zvitupa zvavo kubva muzvidzidzo zvinosanganisira Engineering, Applied Sciences neCommerce.

Vachitaura pachiitiko chimwechete ichi, VaEvans Musara – avo vanova principal weKwekwe Polytechnic – vanoti koreji yavo yakavambwa nemushandirapamwe weveruzhinji nechinangwa chekubura vadzidzi vane unyanzvi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>