Mayunivhesiti hokoyo!…Musakwidze mari: Murwira

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Mayunivhesiti hokoyo!…Musakwidze mari: Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Blessing Chidhakwa
HURUMENDE iri kuyambira vemayunivhesiti kuti vasangokwidza mari zvisina tsarukano uye pasina mvumo.

Izvi zvinotevera mashoko anoti mamwe mayunivhesiti akakwidza mari dzemafizi.

Pane mamwe mayunivhesiti anonzi akakwidza mari dzemafizi, kusanganisira dzevanofunda kwenguva diki, izvo zvakasiya vazhinji vachema-chema.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti mari dzavadzidzi vose dzicharamba dzakadaro.

“Mari dzose dzechikoro hadzisati dzakwidzwa nekuti nhaurwa dzacho dzinofanirwa kutanga nekuhofisi yangu. Handisati ndasaina magwaro ekukwidzwa kwemari dzechikoro.

“Mari dzechikoro dzicharamba dzakadaro kusvika patichaunzwa hurongwa humwe hwekubhadhara uye tiri muhurongwa hwekuti vadzidzi vazowaniswa mari dzinovabatsira (grants).

“Kuvadzidzi vemaUndergraduate, mari hadzisati dzakwidzwa asi kune vePost-Graduate, mikana iripo sezvo iyi iri sarudzo,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti zvisinei nekuti vanhu vari kuda mari zvikuru nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, mari dzechikoro hadzifaniri kungokwidzwa zvisina tsarukano.

Mukushi wemashoko kuLupane State University (LSU), VaZwelithini Dlamini, anoti vakanga vakwidza mari dzechikoro senzira yekusimudzira zvimwe zvirongwa zvinoda mari.

“Takange takumbira kuti tikwidze mari nechikamu che20 percent nekuti vadzidzisi vanobhadharwa kubva pamari dzinobhadharwa nevadzidzi. Saka zvimwe zvose zvichazadzikiswa nevakuru vezvedzidzo zvichifambirana nemutemo,” vanodaro.

Kuchitiwo mukushi wemashoko kuGreat Zimbabwe University (GUZ), VaAnderson Chipatiso, vanoti mari dzavo dzechikoro hadzisati dzashandurwa pari zvino.

“Tinoshanda tichifambirana nemitemo yatinopihwa nebazi rezvedzidzo, zvikuru maringe nenhau dzekukwidzwa kwemari dzechikoro. Saka hatisati takwidza,” vanodaro.

Mutauriri weChinhoyi University of Technology (CUT), Dr Tapera Musekiwa, vanoti vari muhurongwa hwekuona kuti mari dzechikoro dzingakwidzwa here kana kuti kwete.

“Mari dzechikoro tinokwidza kana kuderedza zvichifambirana nehurongwa hweHurumende. Tiri munzira kuita musangano nekomiti yedu kuti tione kuti zvii zvatingaendesa kukanzuru yeyunivhesiti. Kana komiti iyi ichinge yagutsikana, inozokwidza magwaro acho kubazi revedzidzo rinova rinozopasisa kana kuzviramba nekuti ndivo vane masimba ose,” vanodaro.

Kozotiwo mukushi wemashoko paBindura University, VaJames Gutura, vanoti mari dzavo dzechikoro hadzisati dzakwira.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>