Uncategorized

Mayunivhesiti oita zvinorova

13 Jan, 2022 - 11:01 0 Views
Mayunivhesiti oita zvinorova Prof Murwira

Kwayedza

Angel Nkomo

MAYUNIVHESITI nemakoreji munyika muno acharamba achishandisa nzira mbiri mukufunda dzinoti kudzidza nedandemutande uye neapo vadzidzi vanenge vakatarisana nemurairidzi panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kukwira.

Zvisinei, vadzidzi vachange vachifunda zvakanyanya kuburikidza nedandemutande nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina – Professor Amon Murwira – vanoti sezvo huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi huri kukwira, chikamu chedzidzo yepamusoro chiri kugadzirira rimwe gore refundo pachishandiswa nzira mbiri idzi.

Vanoti pachange pachitevedzerwa zvakare matanho akatarwa ekumisa kupararira kwedenda iri muzvikoro eStandard Operating Procedures (SOPs).

“Covid-19 iri kuramba ichikanganisa kudzidza, zvikuru apo murairidzi anenge akatarisana nevadzidzi izvo zvakaita kuti pave nenzira mbiri idzi dzekufunda. Zvikoro zvedu zviri kuramba zvichitevedzera zvinodiwa pasi peSOPs kuitira kuti tidzivirire kupararira kwechirwere ichi.

“Ticharamba tichishandisa nzira mbiri idzi mukufunda uye panguva imwe chete tichikurudzira vadzidzi, varairidzi nevamwe vashandi kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti bazi ravo richarambawo richiongorora mamiriro ezvinhu muzvikoro zvepamusoro uye kana pakave nekukwira kwakanyanya kwehuwandu hwevanobatwa nedenda iri pakoreji kana yunivhesiti, vanomisa zvidzidzo zvinoitwa murairidzi akatarisana nevadzidzi poshandiswa dandemutande mukufunda.

“PaUniversity of Zimbabwe, semuenzaniso, takamisa zvidzidzo zvekuti murairidzi anenge akatarisana nevadzidzi nemusi wa9 Zvita, kwasara svondo rimwe chete kuti vachivhara mukupera kwegore,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti sezvo mayunivhesiti nemakoreji aine nzvimbo dzawo dzezveutano, vashandi vose vari kukurudzirwa kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Pachikoro choga-choga pane kiriniki uye bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakapa mvumo yekuti makiriniki aya ashandiswe senzvimbo dzekubaira vashandi nhomba. Saka tiri kukurudzira vose vari muchikamu chedzidzo yepamusoro kuti vatore mukana uyu vabaiwe nhomba.

“Tiri kutevedzera zvakare gwara riri kupihwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nemitemo yelockdown pane zvose zvatiri kuita,” vanodaro.

Prof Murwira vanokurudzira nyika ino kuti ibatane mukurwisa kupararira kweCovid-19 uye kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekumisa denda iri.

Mayunivhesiti nemakoreji ane chitsama akatodzika mutemo wekuti vadzidzi vose vanofanirwa kunge vakabaiwa majekiseni eCovid-19 ose ari maviri kuti vatenderwe kupinda muzvidzidzo izvo vanofunda vakatarisana nemurairidzi.

MunaMbudzi, Midlands State University yakaudza vadzidzi vayo kuti vose vasina kubaiwa nhomba dzeCovid-19 dziri mbiri vanofanirwa kuvhenekwa denda iri kaviri pasvondo.

 

Share This:

Sponsored Links