Mayunivhesiti ovhurwa

19 Mar, 2021 - 07:03 0 Views
Mayunivhesiti ovhurwa Prof Murwira

Kwayedza

Boitumelo Makhurane

MAYUNIVHESITI emuno ari kuvhurwa svondo rinouya apo varairidzi vachafundisa vakatarisana nevadzidzi inonzi “face-to-face-learning” pamwe nekunyorwa kwebvunzo uye izvi zvichaitwa pachitevedzwa mitemo yekudzivirira Covid-19.

Zvikoro zvepamusoro izvi zvakamisa fundo yemhando iyi, ndokutanga dzidzo yepadandemutande inonzi “online learning” gore rapera apo Hurumende yakatanga chirongwa chekurwisa kupararira kwedenda iri.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti mayunivhesiti akapihwa mvumo yekuti varairidzi vachitange kudzidzisa vakatarisana nevadzidzi asi pachitevedzwa matanho akatarwa ekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vanoti mayunivhesiti anofanirwa kuona kuti vadzidzi vanofunda vakataramukana, vachishandisa masanitizer, vakapfeka mamasiki uye vachiongororwa kudziya kwemuviri nguva nenguva.

“Mayunivhesiti achavhura pachidzidziswa kuburikidza nenzira iyo varairidzi vanenge vakatarisana nevadzidzi pasi pemitemo yeWorld Health Organisation (WHO) uye anofanirwa kuvhura muzvikamu nedonzvo rekuti pasave nechitsokotsoko.

“Hatizi kuzoita zvinhu zvinoisa utano hwevadzidzi panjodzi. Mayunivhesiti anofanirwa kutora matanho ekuona kuti vadzidzi vanofunda munharaunda yakachengetedzeka,” vanodaro Prof Murwira.

Mayunivhesiti, vanodaro, anofanirwa kuvhura zvichienderana nemashandiro awo.

National University of Science and Technology (NUST) neLupane State University (LSU) vachavhura nemusi weMuvhuro.

VaThabani Mpofu, vanoona nezvekuburitswa kwemashoko nekushambadzwa kuNUST, vanoti fundo ichatanga nemusi weMuvhuro pachitevedzwa matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Yunivhesiti yedu ichavhurwa kuvadzidzi kuti vafunde pamwe nekunyora bvunzo nemusi wa22 Kurume. Vadzidzi vakaiswa muzvikwata zvina kuitira kuti vasaite chitsokotsoko panguva yekudzidza nekunyora bvunzo. Bvunzo idzi dzichanyorwa pakasiyana kutanga nemusi wa21 Kurume 2021 dzichipera 21 Chivabvu 2021,” vanodaro.

VaMpofu vanoenderera mberi vachiti, “Pachange pachiongororwa kudziya kwemuviri panzvimbo dzose dzinopinda nevanhu muyunivhesiti nekunodzidzirwa, kuzorwa kwesanitizer, kupfekwa kwemamasiki nguva dzose uye kuonekwa kuti hapazi kuitwa chitsokotsoko.”

VaZwelithini Dlamini, vanova mutauriri uye vachiona nezvekushambadzwa kuLSU, vanotiwo yunivhesiti yavo ichavhura nemusi weMuvhuro uye pachitevedzwa nzira dzekurwisa Covid-19 sekuongorora kudziya kwemuviri panzvimbo dzinopindwa nadzo, kuzora sanitizer, kusaita chitsokotsoko nekupfeka mamasiki.

Vanoti vadzidzi vanotarisirwa kutenga mamasiki avo.

“Tichavedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19. Tichaongorora kudziya kwemuviri nekuzora sanitizer. Tichaona zvakare kuti hapana chitsokotsoko chinoitwa munzvimbo dzinofundira vadzidzi nekwavanogara uye kamuri imwe ichagara vadzidzi vaviri chete,” vanodaro VaDlamini.

Vanoti makamuri ekudzidzira akafiritwa nemushonga unouraya hutachiona uye acharamba achifiritwa nguva nenguva.

Pasi pemitemo yelockdown iyo yakanyevenutswa, vanhu vanotarisirwa kunge vari parufu havafanirwe kudarika 30 uye mamwe magungano vasingadarike 50.

Vachitaura nguva pfupi yadarika nezvekunyevenutswa kwematanho elockdown, mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vakati zvikoro, mayunivhesiti nemakoreji zvinofanira kugadzirira kuvhura asi pachitevedza mitemo yeWHO neyenyika yekurwisa Covid-19.

Hurumende yakatanga chirongwa chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira denda iri apo vashandi vari pamberi mukurwisa denda iri vari ivo vari kutanga kubaiwa.

Kubaiwa kwemajekiseni aya kuri kuitwa pachena kune vanoda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey