Uncategorized

Mazishiri oruma vanhu. . . achidhotera madororo muchikafu

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Mazishiri oruma vanhu. . . achidhotera madororo muchikafu Mazishiri

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI inogara kwaMambo Neuso, kuSanyati, yaoneswa nhamo nekurumwa nemazishiri asinganzwisisike rudzi rwawo kuti magora kana kuti madendera here.

VaWilliam Neuso (40) – avo vanova gurokota guru zvekare vari munyori mudare raMambo Neuso – vanoti nyaya iyi yakatokwidzwa kudare ravo.

“Tine nyaya yemhuri ine dambudziko guru avo vakauya kuzopotera kudare raMambo Neuso, VaTitus Mudzimiri. Mhuri iyi ndeye kwaJani uye pakauya murume anonzi Denis Jani achiti vashaya rugare nekurumwa nemazishiri matema ayo anouya kumba kwavo – zuva rodoka, masikati kana husiku – achivaruma,” vanodaro.

Vanoti kunze kwekuruma vanhu, mazishiri aya – ayo avanoti anonzi akaita semagora kana kuti madendera, aine mazinzara nemiromo yakapinza – anorumawo zvipfuyo zvinosanganisira imbwa, huku, mbudzi, mombe nechose chaanosangana nacho izvo zvinoita kuti musha wose uite bararamhanya.

Pamusha uyu pane mwana akaremara mitezo uyo asina maoko ose anonzi anorumwawo neshiri idzi.

VaWilliam Neuso vanoti VaJani pavakaenda kudare ramambo vairatidza kushushikana zvikuru nekuda kwedambudziko iri vachiti vakanga vasisakwanise kudya sezvo shiri idzi dzichinzi dzinonyanya kuuya kuzovarwisa panguva yekudya kwemangwanani, kwemasikati kana kwemanheru.

“Mazishiri aya anonzi anouya ari maviri kana kuti rimwe chete panguva dzekudya zvekuti vanogona kutomboita mazuva vasina kukwanisa kudya vachirumwa. Mazishiri aya anonzi anouya, otanga kuvaitira madororo mumusoro nemuviri wose, uyewo nekudhotera muchikafu chavo.

“Baba ava vachitaura nesu, vanoti vakazomhanyira kudare kuno vachida kutsvagirwa muporofita kana n’anga inovanunura kubva mudambudziko iri,” vanodaro. Vanotizve mhuri yekwaJani inoti dambudziko iri rakatanga apo vakanetsana neimwe mhuri vachirwira mugodhi wekukorokoza goridhe.

Vanotizve vanhu vemumhuri iyi vose anongova mavanga nekuda kwekurumwa nemazishiri aya.

“Sedare, tiri mubishi kuedza kubatsira mhuri iyi nemaporofita kana n’anga vanokwanisa kupedza zviri kuitika kwavari. Mukubatsira mhuri iyi, tichabatawo mativi maviri kuburikidza nekunetsana kwavo, asi nyaya yekuti mugodhi wegoridhe ndewani izvo zvinoitwa nebazi rinoona nezvekupihwa kwematsamba ezvicherwa uko vanofanirwa kuenda.”

Votaura pamusoro penyaya iyi, Mbuya Mamoyo vekuChitungwiza vanoti mhuri iyi inogona kuona seiri kurumwa nekumarwa neshiri asi zviri zvidhoma.

“Tinotenda kuti vanhu ava vakanopotera kwamambo uko kuchaperera zvose. Mambo vanoziva vanhu vekushanda navo nemasangano edzin’anga nemaporofita uko vachapihwa nyanzvi,” vanodaro Mbuya Mamoyo.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhamba dzinoti 0774 956 098 kana 0784 325 748.IX: Vopata musha nekurumwa neshiri-23/08/19

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>