Mazita nezviito

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
KUPINDIRANA kwemazita evatambi nezviito kana unhu hwavo.

Kana wasangana nemubvunzo unoda kuti uongorore kupindirana kwemazita nezviito kana unhu hwevatambi, pane chinhu chimwe chete chaunofanira kuita nguva dzose. Tanga nekutsanangura zvinoreva zita sekunzwisisa kwako asi usingape mienzaniso inobva munyaya, zvirungamutauro zvakaita setsumo, nyaudzosingwi, fananidzo kana madimikira.

Tsananguro yaunopa maererano nezita inoratidza zvaunonzwisisa iwe pachako usati watanga kuita ongororo dzakadzama. Semuenzaniso, ukaona zita rekuti Munyaradzi ndezvipi zvinhu zvaunonzwisisa pazita iri?

Zvisinei nemabasa kana unhu hwemuridzi waro – zita iri rinoreva kunyaradza kana kuti munhu anoburitsa vamwe vanhu kubva panguva inorwadza.

Kunyaradza kunogona kuve kuunza runyararo muvanhu vanenge vasiri kuwirirana. Izvi ndizvo zvimwe chete zvaunosungirwa kuita mutsananguro dzako dzemazita evatambi usati watanga kudoma zvavanoita zvinoenderana nemazita avo.

Tichatarisa mamwe emazita ari muna Manyambiri tichishandisa nzira yatsanangurwa pamusoro apo. Mazita asarudzwa kuti aongororwe ndeaya; Paidokwairiramwoyo, Rufuse, Ndakasemwa, Shayamano naNyadziso.

Share This:

Sponsored Links