Mazitadunhurirwa ane zvaanoreva

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

BEMBERA

naWedzerai Nhemachema

MAZITA mazhinji evatema vemuZimbabwe ane chirevo, ane rungano rwemumhuri, mudunhu, mukambani kana munyika.

Tikanyatsoongorora, kana mazita achipihwa vana, anopa nhoroondo yemagariro mumusha, munharaunda kana munyika. Mamwe mazita tinoapihwa nehunhu hwedu, hatina kuapihwa pakuzvarwa. Aya ndiwo mazitadunhurirwa.

Mamwe mazita anotumidzwa vana mukutsiura vamwene, muroora, tete, vatezvara, muvakidzani, sabhuku, kana ani zvake anenge akaitira zvisakarurama kuna vanyakutumidza zita. Kana vanhu vakagarisana zvakanaka mumusha, mukambani kana munyika, munobuda zvakare mazita ekugarisana zvakanaka ikoko.

Shungu dzechikuva chino ndechekuti tigarisane zvakanaka.

Vazhinji tinofamba tisingazive mazita atinotumidzwa mudzimba dzedu nevana vedu, muzvikoro nevana vechikoro, mumakambani nevashandi vedu, vavakidzani nevavakagarisana navo. Ndinoda patiri ipapo tiongorore mazita atakapa vana vedu, vadzidzisi vedu, vafundisi, vakuru vemakambani edu, vabereki vedu, vakuru vezvikoro kana ani zvake.

Vazhinji tinopihwa mazita anoenderana nehunhu hwedu.

Munhu wose anoita zvinosvibisa mhuri yake, kambani yake, kana nyika yake anopihwa zita rinodudzira mhando yengozi yaari kupara.

Ngatitarisei huchapa chaihwo kuti hune ngozi yakadii, mumusha, mukambani, mumaguta kana munyika. Ngationgororei zvakare huchapa hwatinoita tichisvibisa maguta.

Tinoziva ngozi inokonzerwa nehuchapa ihwohwo. Harisi guhwa kuti huchapa hune ngozi yekuparadza upenyu hwevanhu. Chirwere chekorera tinoziva chinobva muhuchapa. Vanhu  vanofa rufu rwunorwadza nekorera.

Tinoziva tose mafambisiro anoitwa motokari, kana mabhazi anotakura veruzhinji munyika medu kuti apedza vanhu mumigwagwa zvakadii.

Zvino toti haisi ngozi here iyoyo? Izvi zvakonzerwa nevanhu vanoregera chakaipa chichinyenga semavhunze emoto.

CHENJEDZO: Gavi rinobva kumasvuuriro. Ngatizvinzvere tione kuti mazita atinopihwa mudzimba, mukambani, mudunhu, kana munyika ari kutiudzei. Zvichida ari kutitsiura kuti heyo ngozi, pamwe ari kutipembedza. Ngatichiona kuti zvatave nemazita aya, anopa mhando ipi yengozi mumusha, mukambani kana munyika. Kana mazita  achidudza ngozi, ngatiripei ngozi iyi tichiita zvakanaka zvinogamuchirwa nevatakagarisana navo tidaidzwe nemazita matsva akanaka.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Nhare: 0772 428 809; Email: [email protected] <mailto:

[email protected]>

 

Share This:

Sponsored Links