Mazuva 5 kusina afa

18 May, 2021 - 16:05 0 Views
Mazuva 5 kusina afa VP Chiwenga

Kwayedza

Tandayi Motsi

MATANHO akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa chirwere cheCovid-19 anoratidza kuve nezvibereko zvikuru zvichitevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri muno sezvo kwemazuva mashanu adarika kubvira nemusi weChina svondo rapera, pasina munhu afa nechirwere ichi izvo zvasiyana nakare.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kubva nemusi weChina svondo rapera kusvika neMuvhuro uno hapana munhu afa neCovid-19 muZimbabwe.

Vanhu vakapedzisira kufa nedenda iri vatatu avo vakashaya nemusi weChitatu svondo radarika.

Pamusoro pezvo, kunyangwe huwandu hwevari kuwanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa huri kudzikira zvakare.
Izvi zvaona huwandu uhu husingasvike 50 pazuva uye semuenzaniso, vanhu 19 vakawanikwa vaine denda iri nemusi weMugovera, vatanhatu nemusi weSvondo kwozoti 12 nemusi weMuvhuro.

Mamiriro ezvinhu aya asiyana nenguva yadarika apo vanhu vaibatwa vaine Covid-19 vaigona kusvika 100 pazuva uye vachifa vaine chitsama zvakare.

Kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu 38 349 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri munyika muno gore rapera.

Pavarwere ava, 36 349 vakatopona asi vamwe 1 582 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 591 808 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 222 450 vange vabaiwa epiri.
Hurumende yakatora matanho akasimba ekudzivirira kupararira kweCovid-19 ayo anosanganisira kuti veruzhinji vapfeke mamasiki pavanenge vari paruzhinji, vasaite chitsokotsoko uye kuti vagare vakashambidzika kuburikidza nekugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer.

Zimbabwe iri kurumbidzwa zvikuru nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) nekuda kwechirongwa chayo chekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Sangano iri nguva pfupi yadarika rakaisa Zimbabwe pachikero chepamusoro chenyika dziri kufambisa zvakanaka chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Zimbabwe yakaiswa pachidanho chechi7 muAfrica, pamberi peSouth South iyo yakabudirira zvikuru munyaya dzeupfumi asi iri panhamba 31.
Nemusi weMuvhuro, mumiriri weChina munyika muno, Ambassador Guo Shaochun, vakarumbidza zvakare budiriro yeZimbabwe mukurwisa Covid-19.

Vaitaura vari panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport apo Zimbabwe yaitambidzwa majekiseni emushonga weSinopharm uyo wakapihwa kumauto eZimbabwe Defence Forces neChinese People’s Liberation Army (PLA).

Asi zvisinei nebudiriro iyi, Vice President Constantino Chiwenga – avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – vari kugara vachiyambira veruzhinji kuti vasavarairwe panyaya yekudzivirira kuCovid-19.

VP Chiwenga vanoti Zimbabwe haisati yabuda munjodzi yekupararira kwechirwere ichi, icho chiri kunetsa kunyika dzinosanganisira India, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ekuchirwisa.

Share This:

Sponsored Links