Mazuva ekutengesa fodya aswedera

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mazuva ekutengesa fodya aswedera VARIMI vefodya kudunhu reManicaland vanotarisirwa kubatsirika zvikuru zvichitevera mashoko ekuti kuchavhurwa misika miviri yekutengesera fodya kwaRusape gore rino.

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KUTENGESWA kwefodya yakarimwa mwaka uno kunotarisirwa kutanga masvondo maviri ari kutevera uye panguva ino varimi vari mushishi kukohwa, kupisa pamwe nekugiredha chirimwa ichi.

Muchinyorwa chayo, kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti misika yekutengesa fodya ichavhurwa musi wa21 Kurume, apo vanotenga fodya yemakondirakiti vachizovhurawo zuva racho rinotevera.

“Kubhuka kwevanoda kutengesa kuchatanga musi weChitatu 7 Kurume 2018 uye fodya ichatanga kutambirwa kumisika kubvira Muvhuro 12 Kurume 2018,” inodaro TIMB.

TIMB yakatopa marezinesi kune makambani matatu emisika inotengeswa fodya anoti Boka Tobacco Auction Floors, Premier Auction Tobacco Floors neTobacco Sales Floor.

Mukushi wemashoko kuTIMB, VaIsheunesu Moyo vanoti kambani yeAgritrade Leaf Tobacco (ALT) yakanyorera kuti inge ichiwaniswa mvumo yekutenga fodya muHarare nekwaRusape.

“ALT inoshanda sekambani inotenga fodya kuburikidza nemakondirakiti uye yakanyorera kuti inge ichiwaniswa mvumo yekushandira muHarare nekwaRusape,” vanodaro.

“Chikumbiro chekambani iyi chekuti inge ichishandira kwaRusape chichiri kuongororwa uye chivakwa chainoda kushandira iri chakaongororwa kuti zvinge zvichitariswa kuti chinokodzera here.”

TIMB kusvika parizvino yanyoresa varimi 118 338 vanoda kutengesa fodya mwaka uno.

Huwandu hwevarimi vanyoreswa ava hwawedzera nechikamu che44 percent kubva pa82 438 vakanyoresa kutengesa fodya panguva imwe chete muna 2017. Zvakadai, huwandu hwevarimi vefodya hwakawedzerawo ne33 650 kana zvichienzaniswa ne15 042 mwaka wadarika.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey