Mazviwanza, rikave zita remwana

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NYAYA yokuda kuve mberi sechigaro chamufundisi kana sehomwe yeepuroni inopfekwa navabiki, inoparira. Homwe inotungamira mberi kunge ndiyo amai vemba vanoziva zvinobikwa mukicheni.

Kunyange mberi kuine moto, unoona homwe ichida kutungamira chete. Uyu muenzaniso wezvimwe zvinoitwa navamwe pakati pedu. Zvino kana ivo vachirovera kuenda, vanoudzwa kuti tsvaru akazvara tivu. Mai havatukwi, unotanda botso.

Munyika ina vanhu vanopfuura mamirioni gumi namana, sei kuda kungove mberi sechigaro chamufundisi, uyewo sei kuzviita munhu anoziva kupinda ani nani zvake? Madzimai anopa vana mazita okuti Mazviwanza, havana kumborasika, nokuti zvinenge zvapinda mwero.

Uyewo mhuka inonzi dhongi ine nharo, ndosaka zvichinzi manyemwe edhongi pachigayo.

Unoona dhongi richimira pakati pomugwagwa iko kuri kuuya bhazi. Harikatare. Mutyairi anoridza bhera aridzazve kuti rizobva mumugwagwa. Harizivi kuti vamwe vatyairi havazvitsvagi, vanoritsika. Mangwana zvakare unooona richinge kudenha chaiko, ronoti zikiti zvakare pakati pomugwagwa. Inharoka dzokufunga kuti munondidii?

Vanhu vari kuzevezerana kuti mukuru wamauto General Constantino Dominic Guveya Chiwenga vakashaura gure muhurukuro yavakaita nevakuru vemapepanhau eHerald neSunday Mail svondo rino, vamwewo vachiti, kana usina kunzwa zvakataurwa, mheno zvauri kutsvaga. Matsi kana mbeveve vakanzwa kuti pane vari kunzi mave kuda kutijairira, mapinda nemwenje mudziva.

General Chiwenga vakataura nhoroondo yenyika vakati Zimbabwe haina kuuya neTwitter kana Facebook, asi kuti yakauya nokudeuka kweropa ravana veZimbabwe vakawandisa, saka zvamuri kupenga kana kuri kupenga, pengera kwawakaroyiwa.

Zviri pachena kuti vaiti iyewe musinzwi, wakanyangira yaona, uye kuti vambenge vakanyarara zvavo vachiona vanhu vanove vakuru mubato nemuHurumende vachiita kunge vari kutamba mahumbwe.

Vakavaita zviya zvinonzi pachiRungu, “Give a man enough rope and he’ll hang himself,” kunyange ivo vachifunga kuti vari kushamisira vachiti, “kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurikwa.”

Muhurukuro ine musoro unoti, “Command Agriculture: The gloves are off . . . ‘This nonsense can no longer be tolerated!’”, yakabuda muHerald musi wa27 June, Gen Chiwenga vakapedzisa neyambiro yokuti: “This guy who is vomiting that nonsense about Command Agriculture, he has some other forces behind him? . . . and we know that the tweeting is coming from Baba Jukwa and company, we know that. But I think he has got to where we wanted him to. Let me leave it at that.”

Kana ameni yacho inonetsa kubuda, nokuti kana kwave kudzoka vana Baba Jukwa vaifungidzirwa kuti vave muchenje, woziva kuti nyika yange yapinda mumaoko akaipisisa, emuvengi.

Vakataurwa naGen Chiwenga ngavarege kumbotinyengedza, nokuti kaitiro kavo ndekekunge vari kugadza vamwe humambo, ivo vari ivo vakateya humambo hwacho.

Zvinonzwisa tsitsi ndezvokuti vaye vanoti tinokufarirai paTwitter havavhote, uye ruzhinji havasi zvizvarwa zveZimbabwe. Dai vaivhota, taiti pamwe munawo mukana.

President vakabvirira riini kuti nhaurwa dzeHurumende (dzemuCabinet) kana musangano hazvingonzi bvu-u paTwitter kana paFacebook? Asi takaona ivava vari kutaurwa naGen Chiwenga vasina hanya nazvo, vachizvirova dundundu nokutsoropodza zvirongwa zveHurumende. Wozvibvunza kuti kuvimba nei kana gurukota reHurumende riri zvakare nhengo yePolitburo neCentral Committee richizvisikira moto muziso kudaro.

Kana President vakati nyaya dzebato hadziendeswi pa”social media” woona munhu iri pikerere kudziendesa nokunyomba dzimwe nhengo dzebato nemamwe makurukota eHurumende, unozvibvunza kuti kuzvidza uku kukaitwa nemunhu wese, Zimbabwe ingave nyika ine chiremera here? Pasi pomusuva wesadza panei?

Chii chinopa munhu kuti nanga-nanga nechirongwa chokurima cheCommand Agriculture chinorumbidzwa noruzhinji gore rino kuine maguta, kunge munhu ari pabarika nechinhu chinonzi Command Agriculture? Iwo mweya wokuti ndini chete ndinogona kufunga nokuronga unobva kupi?

Hurumende yakazvimisira kuti zvese zvinobva muvhu zvipe pundutso kuvanhu, saka kana uchishora chirongwa chokurima zuva nezuva, kunge unorarama nemhepo toti uri munhu ane pfungwa yokuvaka here?

Kuzvikudza kusina maturo. Bhaibheri rinoti Lucifer, ave kunzi Satani nhasi uno akazvitutumadza nekuti ndiyo yaive ngirozi huru, basa rayo riri rokurumbidza Mwari. Asi rimwe zuva akachiva chigaro chaMwari akafurira dzimwe ngirozi kuti varwise vachitore. Zvakakona. Nhasi ndivo vave mweya iri kutambudza vanhu, mweya yetsvina.

Vamwe takazvarwa Zanu-PF yatovepo, tikakura tikaona vachitatsurana, asi vachibatana, nokuti vanoziva kuti rusununguko rwunoburitsa zvizhinji vanhu vakabatana.

Mumwe munhu akaudza Mukwende kuti pfungwa yokuti vanogona kuparadza Zanu-PF kutamba namatope pasina mvura, nokuti kubatana kwayo kunenge kwekeke rinobikwa nezvinhu zvakasiyana-siyana, zvokuti zvimwe ukazviona zvichiiswa, hauridye. Asi kana raiswa apo rave keke, rinonaka, uyewo hazvigoni kuti uzopatsanura tunhu twese twuya twakaiswamo.

Tosangana paChina chounogara!

Share This:

Sponsored Links