Mazwi anoreva zvakafanana

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TAVA kuita iya yokuti tigadzire nhava dzedu kuti dziteramire nekuti nguva yapera. Tava kusvika apo tinenge toda kuzvionera toga pasisina zvokubatira pamwe nerudhende nekuti munhu anenge onozvimiririra oga.

Tinoenda mberi tichidzidzisana nekuti dzidzo inoda kuramba ichiwedzerwa chero zvazvo bvunzo rakatonyorwa. Iyi yava dzidzo yekuzvivandudza pachako iyo yauchada wava kuchikoro chepamusoro chawava kuenda. Ndizvowo zvinoitwa navavhimi kuti kana vambenge vachigovana nyama yabatwa, zvinopera apo munhu anenge oenda kumba kwake kunozvionera.

Chose chaachabata munzira ava oga chava chemunhava yake. Zvoreva kuti ruzivo rwotopanana iye zvino rwava rwako wega nekumberi kwauchaenda.

Ndinoda timbobata pandinofunga kuti pakasaririra apo taiita dzokorodzo takatarisana nebvunzo.

Tingave takatsvanzvadzira paya panotaurwa nenyaya yemazwi anoreva zvimwe chete asi tisina kunyatsodzamisa gejo redu. Nokudaro tinoda kupatsokodzera zvakare nekuti ruzivo irworwu ticharwuda mberi kotoenda.

Tine izwi rinoti rova tichireva zviya zvinotaurwa kana munhu agarisa nguva yakareba asingoonekwi navaya vehukama kana vanomuziva. Anogona kunge akaenda kure nebasa zvekusapotawo achimbodzoka zvekuti vanhu vanenge vasisazivi nekwaari.

Zvino kunze kwekushandisa izwi rekuti kurova tinogona kushandisa mazwi anoti dzama, tata kana kuti tetereka. Unonzwa vane ugo kana utesvu kuchiShona voti mwana waVa

Chikanya akadzamira Joni.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey