Mbambaira nesvutugadzike

20 Feb, 2018 - 10:02 0 Views
Mbambaira nesvutugadzike Mbambaira dzinanaka nesvutugadzike.

Kwayedza

MBAMBAIRA kana kuti mabura kudya kunofarirwa nevakawanda, asi hadzidi kudyiwa dzakadaro sezvo munhu achigona kudzipwa.

Svondo rino, Sekuru Japhet Murambiwa vekuGokwe vanotsanangura mamwe mabikirwo embambaira.

Zvinodiwa:

Mbambaira, munyu, majarini, chikari, mvura yakachena nesoda.

Mabikiro:

Geza mbambaira dzichene.

Kana zvichibvira, dzimenye ubvise rukanda rwekunze.

Cheka mbambaira kuita zvidimbu zvakafanira.

Isa mbambaira muchikari chakachena wokanda twumunyu netwusoda.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi nemashanu.

Kana dzaibva, mbambaira dzinoonekwa nekutsvukira mukati.

Unogona kudzitsemura nepakati wozora majarini, sekuda kwako.

Kana zvakadai, chibura udye nemhuri.

Mbambaira dzinonaka uchinwa nesvutugadzike kana zvimwewo zvinwiwa.

 

 Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey