Uncategorized

‘MBANJE YANDIITA ROMBE’ -‘Ndinorova zvose nemusombodhiya’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘MBANJE YANDIITA ROMBE’ -‘Ndinorova zvose nemusombodhiya’ Sekuru Banda vaine zvimwe zvidhakwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
“NDAPARARA nembanje nemusombodhiya!”
Izvi ndizvo zviri kudunurwa nemukomana wechidiki anogara kuEpworth, muHarare, uyo anoti zvisinei nekuti aive shasha muchikoro ndokupasa zvinodadisa paA-Level, ave rombe rekupedzisira nekuda kwekutora zvinodhaka.

Shelton Kunaka (29) akawanikwa neKwayedza svondo rapera ari panzvimbo inotengeswa doro risingabvumidzwe pamwe nezvimwe zvinodhaka panodaidzwa kuti “The True Force”, kwakare kuEpworth.

Kunaka akawanikwa asingakwanise kana kusimuka zvakanaka nekudhakwa aine vamwe vechidiki apo vaiputa mbanje nekunwa doro remusombodhiya pachena. Kunaka anoti ave chidhakwa chedoro chemakoko uye anosvuta mbanje.

Mbanje nedoro rinonwiwa nevakomana ava hazvitenderwe pasi pemutemo.

“Ndakuvara vakomana ndibatsireiwo, ndinonwa musombodhiya nekuputa mbanje. Ndiri munhu aigona zvikuru muchikoro ndikatoita 12 points paA-Level. Asi ndakazotadza kuenderera mberi nechikoro apo ndaida kuita dhigirii reGenetics sezvo baba vangu vakanga vafa.

“PaFomu 4 ndakapasa chaizvo, ndine maA mashanu, maB mana neD rimwechete,” anodaro mukomana uyu achitotadza kusimudza musoro nekukoriwa.

Anoti asarirwa naamai chete izvo zvakonzera kuti ashaye zvekuita uyewo haashande kunze kwekungoita maricho munharaunda. Kunaka anoti kana akawana vanomubatsira, akazvipira kusiya mbanje nemusombodhiya, oenderera mberi nedzidzo kuti azokwanisa kubatsira amai vake nevamwe vana.

Mimwe mishonga inodhaka inonzi inoputwa nekunwiwa nevechidiki ava ichitorwa mumiti yemusango inosanganisira Mutoriro, Mangemba neMutiusinazita.

Muridzi wenzvimbo inotengeswa zvinodhaka izvi, VaMunyaradzi Jacob Maphosa (36), vanotsinhira kuti ndivo vanotengesera vechidiki ava vachiti vanenge vachitsvagawo mari. “Hongu, ndini muridzi wepano.

‘‘Zita renzvimbo ino rinobva mukudhakwa kwevanhu kwakadarikidza. Zvaanotaura mukomana uyu (Kunaka) ichokwadi, akapasa zvikuru asi anoputa nekunwa chose chaawana chinodhaka. Vakawanda vanodaro muno,” vanodaro VaMaphosa.

Vamwe vakawanikwa vachinwa nekuputa zvinodhaka panzvimbo iyi vanosanganisira Tinashe Usaihwevhu (30), Arnold Magaso (19), Sylus Mupurwa (22) naTadiwanashe Hozheri (20).

Dambudziko rekutora zvinodhaka kwevechidiki — kusanganisira vasikana — rinonzi rakura zvikuru muEpworth izvo zviri kukonzera kuparwa kwemhosva dzakasiyana.

Vamwe vagari veko vanoti kushaya mabasa ekuita kune vechidiki ndiko kuri kukonzera kuti vapedzisire votora zvinodhaka. Kwayedza yakaitawo hurukuro nevarume vanoita basa rekupwanya matombo, kukanya zvidhinha nekugeza motokari padhamu reQuarry riri kuEpworth ikoko avo vanosanganisira Steven Mazikola (48), Chenjerai Rengu (34), Timothy Kobeleka (42), Tapiwa Sidara (40), Malvern Mara (33), Justin Inga (34) naAdam Taibu (37) vari kutsinhira dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki. “Ipo pano padhamu ratinotora mvura tichikanyisa zvidhinha nekuita mamwe mabasa, vamwe tinotovabata vave kuda kuzvikanda mudziva iri nekuda kwekudhakwa. Kune mapiritsi ari kutengeswa muno, bhurongo, mbanje, miti yemusango uye kune anonzi maGaza houses uko kunotizira vanasikana nevakomana vachinogara nekunwa zvinodhaka,” anodaro Inga.

Zvichakadai, godobori Sekuru Kamwelo Banda, vanoti vane chirongwa chavari kuita munzvimbo iyi chekudzidzisa vechidiki pamusoro pekuipa kwekutora zvinodhaka.

“Kune vamwe vabereki vanouya kwandiri vachiti vana vavo vakaroyiwa kana kuti vava kupenga asi ini ndoona kuti uku kutora zvinodhaka. Saka ndakaona zvakakodzera kuti ndivambe chirongwa cheCampaign Against Drug Abuse icho ndakatangira muno muEpworth.

“Vabereki vari kurohwa nevana, vamwe vachirambana nemadzimai nekukuvadzana vadhakwa. Ndiri kuvamba zvakare mupurojekiti ekuti vana ava vawane zvekuita zvinovabatsira mukurarama kwavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links