Uncategorized

Mbanje yomutsa mweya yevakafa -‘Zviyo zvinoshanda nekukasika’ -‘Vamwe vanoitira weti paguva’ -‘Vafi voroiwa kudarika vapenyu’

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mbanje yomutsa mweya yevakafa -‘Zviyo zvinoshanda nekukasika’ -‘Vamwe vanoitira weti paguva’ -‘Vafi voroiwa kudarika vapenyu’ Zviyo paguva

Kwayedza

Kingstone Mapupu
POSE panofa munhu, hapashaikwe zvinotaurwa. Parufu vamwe vanoimba “Ndimi makauraya”, vamwewo vachitaura: “Vochifaraka, ndizvo zvavaida”, “Varoyi havagute”, “Maiti anopona nepi?”, “Haana kana kurwara, kuroyiwa bedzi uku”, “Aenda ari mutano, ungati achamuka mubhokisi”, “Mati angaenda oga, hazviite uyu ndiye achamuka vagomuguta”, “Wedu haangorova” nezvimwe zvakawanda.

Ndokusaka zvichinzi panofa munhu mashoko anowanda. Kunotova nevamwe vanotumidza vana zita rekuti Pafamunhumashokoanowanda!

Kana zvinotaurwa pafa munhu zviri zvedi, zvoreva here kuti mweya wemunhu afa unogona kumutswa kuti unorwisana vevanonzi ndivo vanenge vakonzera rufu rwake? Kana zviri izvo, zvinombofamba sei? Ko zvazvinonzi wafa warova!

Izvi zvinotevera nyaya yevamwe vanhu vanonzi vanodyara kana kusima zvinhu zvinosanganisira mbanje, mhiripiri, zviyo, mbambaira, muriwo wemumhodzi (muboora) pamusoro pemakuva semhiko dzekumutsa vashakabvu kuti vanorwisa vavengi vavo.

Vamwe vanonzi vanonoitira weti pamusoro peguva semhiko.

Svondo rino Kwayedza yakanopinda munzvimbo dzine marinda kana kuti makuva sekuGranville Cemetary (kuMbudzi), kuMabvuku, kuEpworth, kuZororo Memorial Park, kuWarren Hills, muHarare nekuChitungwiza uko yakaona mamwe makuva akadyarwa zvirimwa — zvisiri maruva — pamusoro pawo.

“Kana zviri zvekudyara zvinhu pamakuva zvinoshanda manje, fanika kana zviri zviyo, munoswera maziva muroyi wenyu, kuti uyu ndiye akauraya. Imhiko yakanaka chaizvo, inoshanda nekukasika,” anodaro mumwe murume apo aibuda nevamwe vake mumakuva ekuMbudzi vachangobva kuviga mudikani wavo.

Kwayedza yakaenda kumamwe makuva uko yakaona marinda adyarwa zvinhu zvisiri mafurauzi pamusoro.

Zvakadyarwa pamakuva zvinosanganisira mbanje, mhiripiri, muriwo wemumhodzi, mbambaira, miti, madomasi nezviyo – zvimwe zvacho zvatotumbuka.

Nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti zvinhu zvinodyarwa pamusoro pemakuva izvi imhiko dzekumutsa mweya yevafi kuti vanorwisa vanenge vakakonzera kufa kwavo kana kuti sekutsipika mweya yevashakabvu kuitira kuti isazovadzokera.

Mumwe mukuru kumarinda akabvakachirwa anoudza vatori venhau kuti vanoona vanhu vanoendako vachinoita chivanhu pamakuva.

“Chandinotaura ndechekuti vanhu vakafa vari kuroyiwa kudarika vapenyu. Kuno kunouya n’anga dzakapfeka ngundu kuchiridzwa mbira uye nemaporofita kana zvigure zvinouyawo.

“Isu hativarambidze nekuti chivanhu chavo, chatinoda bedzi kuti vanhu vapinde nguva dzinotanga na8 mangwanani kusvika na5 zuva rodoka, dzikadarika hatichabvumidza,” anodaro mukuru wekumarinda uyu.

Akaratidza vatori venhau makuva akadyarwa mbambaira pamusoro, muriwo wemuboora, mbanje, zviyo nezvimwe izvo zvaanoti nguva zhinji vanozotuma vashandi vavo vanochengetedza makuva kuti vadzure.

“Kune mamwe makuva ari kumberi uko ane mhiripiri dzakatotsvuka nembanje izvo hama dzevafi dzinosiya dzatiyambira kuti tisadzure kana kubata. Zvino dambudziko riripo nderekuti kana mapurisa vakazouya vachiwana pamakuva paine mbanje, zvinogumisira zvave kuita sekunge ndisu takairima tosungwa,” anodaro.

Anoti nguva ichangodarika, pane mumwe mukadzi akapinda mumakuva ari oga, ndokunosvika pane rimwe rinda remunhurume apo akakurura chipfeko chake chemukati, ndokubva aitira weti pamusoro paro nemumativi achiteketera. Akazobvapo asina kucheuka ndokuenda masikati machena.

“Mai ava vakasvikoita zvinoshamisa izvi pasina kundinyara kana kunditarisa. Vapedza kuita weti, havana kucheuka asi vakaenda vakabata chipfeko chavo chemukati mumawoko kunosvika kumugwagwa ndokukwira kombi vachibva vaenda.

“Pamwe unowana pamakuva pakaiswa mishonga kana machira emidzimu, mapfumo nemapakatwa. Isu hatizive zvavanozviitira.

“Chinonetsa isu hatizoziva kuti vanouya ihama dzevafi chaidzo here kana kuti vatorwa.”

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira vanhu vanoita tsika yekudyara mbanje pamusoro pemakuva kuti imhosva inokwanisa kuvaendesa kumatare edzimhosva nekujeri.

“Mhosva imhosva hazvina basa kuti yaitirwa papi, vanhu vanosungwa. Vanhu havabvumidzwe kudyara mbanje pangava pai, kunze kwemakambani akapihwa matsamba neHurumende ekuita izvi. Ivo vanochengetedza kumakuva vakasiya mbanje dzichidyarwa ndivo vatinosunga,” vanodaro.

Votaura pamusoro pemhiko idzi, Mbuya Alice Masoko (61) – avo vanonyanya kuzivikanwa saMbuya Kwenda vekuLochnvar, muguta reHarare – vanoti kune mishonga inodyarwa pamusoro pemakuva senzira dzekumutsa mweya yevafi kuti varwise vanenge vakakonzera rufu rwavo nemimwewo yekutsipika vashakabvu.

“Mweya yevafi inomutswa asi kune n’anga nemaporofita vave kuita chitsotsi vachibira vanhu mari dzavo. Munhu akafa achipondwa anoiswa zviyo mukanwa vanhu vachiteketera ovigwa akadaro. Panomera zviyo izvi mukanwa make, ngozi yatotanga kubvira moto kune vakamuuraya,” vanodaro.

Mumwe mushonga unonzi unomutsa mweya yevafi vanoti mufandichimuka, uyo panodonha shizha remuti uyu roga-roga, zvinoreva kufa kwemunhu kumhuri yevanenge vakakonzeresa rufu rwacho.

“Mhiripiri nembanje zvinoshandiswa pakumutsa mweya yevafi asi zvinoda vanhu vanoziva. Kana dziri mbambaira, hadzifanirwe kuzodyiwa kana kucherwa uyewo mbanje iyoyo haifanirwe kuputwa, zvinokanganisa chivanhu chinenge chaitwa. Inofanirwa kudyiwa bedzi nenyoka kana nemhuka dzesango zvinoita kuti ngozi iyi iite huturu sehwenyoka,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Mossy vechechi yeJohane Masowe yeChishanu yekwaMachipisa, kuHighfield, vanoti kudyarwa kwezvinhu pamusoro pemakuva kazhinji huroyi.

“Izvi zvinoitwa nepakasiyana, dzimwe nguva zvinoitirwa kumutsa mweya wemufi kuti anorwa oga kune vakamuuraya uye vamwewo vanenge vachitsipika mweya yevafi kuti vasavarwise kana vaine chekuita nemafiro akaita munhu iyeye,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links