Mbanje yotanga kukohwewa

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Mbanje yotanga kukohwewa

Kwayedza

MBANJE yakarimwa zviri pamutemo kekutanga munyika muno yakatotanga kukohwewa panguva iyo kurimwa kwayo kuri kutorwa sebhizimisi sezvo ichishandiswa mumabasa anosanganisira kugadziriswa mishonga yekurapisa zvirwere zvakasiyana-siyana.

Gore rapera, Zimbabwe Industrial Hemp Trust (ZIHT) yakarima mahekita gumi emhando shanu embanje dzinowanikwa kuEurope pane rimwe purazi diki paHarare Central Prison, muguta reHarare.

Tsvakurudzo dzakaitwa dzinoratidza kuti mhando mbiri dzechirimwa ichi ndidzo dzakaita zvakanaka apo pakaonekwa kuti kushaikwa kwemvura nekupisa ndiko kwakaita kuti dzimwe mhando nhatu dzisaita zvakanaka.

Tsvakurudzo idzi dzakaratidza kuti zvirimwa izvi zvakakura nekukasira kudarika zvaitarisirwa.

Dr Zorodzai Maroveke avo vakavamba ZIHT vanoti vava kuongorora kuti mhando dzembanje idzi dzinorimika here munyika yese.

“Tanga tichikohwa mbanje yatakarima asi parizvino yakaendeswa kuUniversity of Zimbabwe kuti iongororwe,” vanodaro.

“Tava kuunganidza umboo pamhando dzembanje yekuEurope dzatakarima. Takaona kuti pamhando dzatakarima shanu, mbiri ndidzo dzakaita zvakanaka.

Chava kutevera kutora mhando dzembanje idzi tichinodzirima kune dzimwe nzvimbo dzemunyika dzine mamiriro ekunze namanairo emvura akasiyana-siyana toona kuti dzinoita zvakadii.

“Tiri kutarisira kurima mhodzi dzembanje kubvawo kunzvimbo dzemuno, kunyanya kuBinga. Takapihwa mvumo neHurumende yekuti timboonawo kuti mbanje dzemuno dzikarimwa dzinobuda zvakaita sei,” vanodaro.

Dr Maroveke vanoti umboo huri kuunganidzwa hunobatsira zvakanyanya kune vachada kuita bhizimisi rekurimwa kwembanje.

“Kuedza kwatiri kuita kwakakosha zvakanyanya. Iyi iindasitiri itsva uye haina ati amboipinda mairi. Kune vakawanda vanoda kuita bhizimisi iri vachivandudza mbanje. Kune vamwewo vanoda kuita bhisimusi iri padiki nepadiki. Pakupera kwegore rino, tinenge tava kurima mbanje panzvimbo yakakura sebhizimisi,” vanodaro Dr Maroveke.

Hurumende yakatendera makambani nemapoka 37 anoda kupinda mubhizimisi rekurima mbanje yekushandisa pakurapa nezvimwe zvakasiyana-siyana mumaindasitiri. 

Varimi vembanje vanowana marezinesi emakore mashanu uye vanenge vachiongororwa zvakanyanya.

Kambani yeEco-Equity yekuBritain yakatanga bhizimisi rekurima mbanje munyika muno rine hukoshi kweUS$6,3 miriyoni.

Kambani iyi iri kutarisira kuvaka green house iyo ichipera muchikamu chekutanga chegore rino, yotanga kurima muchikamu chechipiri nekuzotengesa mbanje iyi muchikamu chechitatu cha2020.

Rimwewo sangano rinoona nezvekurimwa kwembanje reGrand View Research rekuUnited States of America rinoti rinotarisira kuti kutengeswa kwembanje pasi rose kunogona kusvika pahukoshi hweUS$66,3 bhiriyoni pakupera kwegore ra2025.

Mbanje inonzi inogadziriswa mishonga yekurapa zvirwere zvinosanganisira parkinson’s, gomarara uye zvemabhonzo.

Pamusoro pezvo pane hemp zvakare — iyo inobva mumanje — inoshandiswa kumaindasitiri pakugadzirwa kwehembe, bhutsu nemapepa. — The Sunday Mail.

Share This:

Sponsored Links