Mbavha 11 dzinoba nepfuti dzasungwa

15 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Mbavha 11 dzinoba nepfuti dzasungwa Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Lorraine Mathe

MAPURISA asunga vanhu gumi nemumwe avo vari kufungidzirwa kuti makororo aiba akapakata pfuti uye vari kupomerwa kuba US$51 000 nezvinhu zvinokosha US$80 000, kuKaroi, kudunhu reMashonaland West.

Gift Asafu (29), Goodness Gandiwa (36), Kudakwashe Kapesa (24), Taurai Musindo (23), Tapera Zimbapeni (22), Onias Matangi (47), Evans Milanzi (24), Jimmy Dzokamushure (49), Addition Chagadama (22), Jeremy Nyakujara (27) naNicholas Samuel (22) vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuba vachishandisa pfuti pakati paKubvumbi 2021 naGunyana 2022 muKaroi nenzvimbo dzakapoteredza.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nezvekubatwa kwembavha idzi.

“Musi wa7 Gunyana 2022, mapurisa akanyeverwa ndokuronda Gift Asafi, mumwe wevari kupomerwa mhosva yekuba muKaroi. Mapurisa akabvunzurudza musungwa uyu akafumura vamwe vasungwa gumi nemumwe vanosanganisira Charles Phiri uyo asati awanikwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti vasungwa ava vane chekuitawo nenyaya pfumbamwe dzehumbavha pamwe nekupinda mudzimba dzevanhu vachiba zvinhu.

Mhosva idzi dzinosanganisira kubiwa kwakaitwa paEnergy Park Service Station nemusi wa28 Zvita 2021 nenguva dza9pm muKaroi.

Vasungwa ava vanonzi vakabira maneja wepaservice station iyi mari inosvika US$51 000 nemotokari yeVW Golf vachishandisa pfuti.

Pamusoro pezvo, vasungwa ava vanonzi vakarwisa magadhi matatu akange ari pabasa paBrockerly Farm kuKaroi, vasati vaba zvekurimisa zvakasiyana pamwe nematani 17.5 esoya bhinzi izvo zvose zvinokosha US$80 000.

Asst Comm Nyathi vanoti mapurisa ari kutsvaga Phiri.

“Mapurisa ari kukumbira kune veruzhinji mashoko anogona kuita kuti mumwe asara (Charles Phiri uyo anozivikanwa nekunzi Chewaz) asungwe. Vane ruzivo nezvake vanokumbirwa kutaurira mapurisa ari pedyo navo kana kuchaya nhare kuNational Complaints Desk yemapurisa panhare dzinoti 0242 703631,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links