Mbavha 4 dzasungwa

24 Jun, 2022 - 12:06 0 Views
Mbavha 4 dzasungwa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGweru asunga varume vana nemhosva dzavari kupomerwa dzekuba mombe nezvimwe zvinhu vachipazira mudzimba.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti vakasungwa ndiAsherman Mashamba (21) wekuMkoba 13 kuGweru, Brian Mpala (20) wekuWoddlands, Criswell Maponga naCarlos Simango vemunzvimbo imwe chete iyi.

Vanoti mhosva dzinonzi dzakaparwa nevarume ava dzinosanganisira kubiwa kwemombe pfumbamwe nezvinhu zvakasiyana kunzvimbo yeMonomotapa muGweru.

Insp Mahoko vanoti kubva nemusi wa1 Chivabvu kusvika 20 gore rino, Mashamba naMpala vanonzi vaiba zvinhu kuMonomotapa vachipaza mudzimba husiku izvo zvinosanganisira mari, mbatya, nharembozha, chikafu nezvimwe.

“Nyaya iyi yasvitswa kumapurisa, vaviri ava vakazosungwa ndokuwanikwa vaine zvinhu zvakasiyana zvaive zvabiwa.

Vamhan’ari vanokwana vasere vakakwanisa kuziva zvinhu zvavo zvinonzi zvaiva zvabiwa nembavha idzi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mapurisa akazosungawo Maponga naSimango nemhosva yavari kupomerwa yekuba mombe uye vaviri ava vanonzi vakawanikwa vaine mombe pfumbamwe dzekuba.

“Mombe dzose dzakawanikwa idzi dzaiva dzabiwa kupurazi reLingflora kuMatobo kuGweru. Vose vakasungwa vakachengetedzwa nemapurisa vachimirira kuenda kumatare edzimhosva,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoyambira veruzhinji kuti vasapare mhosva vachiti munhu anoguma asungwa chete oendeswa kumatare edzimhosva pamwe nekujeri achisiya mhuri ichitambudzika.

“Mhosva haibhadhare, kunyangwe ukahwanda kupi, unoguma wasungwa chete. Vanhu ngavadzidze kudya zvedikita kwete kubira vamwe nekuita hukopokopo,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links