Mbavha 4 dzinoba nepfuti dzasungwa . . . mumwe wavo mupurisa

24 Mar, 2023 - 08:03 0 Views
Mbavha 4 dzinoba nepfuti dzasungwa . . . mumwe wavo mupurisa Asst Comm Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAKORORO mana anoba akapakata pfuti nemasimbi akasungwa mushure mekuba mari nezvimwe zvinhu zvinokosha US$7 000 pane imwe imba iri muBeveldere, muguta reHarare.

Vakasungwa ava ndiHarry Dzingwe (30), Tongai Chikumba (30), Walter Chanhuwa (41) anova mupurisa naEgypt Musundire (30).

Varume ava vari kupomerwa mhosva yekuba mari nemidziyo pane imwe imba iri muBeveldere nemusi wa26 Kukadzi gore rino.

Vanonzi vaishandisa motokari yerudzi rweToyota Belta isina nhamba uye vaiva vakapaka pfuti nemasimbi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti makororo aya akasvika paimba yekuBelvedere ndokurova vagari vepo nemasimbi ndokuzoba midziyo nemari, zvose zvinokosha US$7 650 ne5 000 Rupees.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi nematikitivha eCriminal Investigations Department Homicide (CID), vakasunga Harry Dzingwe, Tongai Chikumba naEgypt Musundire avo vakazotaurawo Constable Walter Chanhuwa ari muchipurisa kuZRP akabva asungwawo. Chanhuwa akange amiswa basa nekuda kwenyaya yekuedza kutengesa haka zvakamupa kusungwa nemusi wa8 Kurume mumugwagwa waSeke Road padyo nenzvimbo yemabhizimisi yeMaruta,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti makororo mana aya akapinda mudare reHarare Magistrates’ Courts kekutanga nemusi wa10 Kurume uye vachadzoka zvakare nemusi wa25 Kubvumbi apo vanenge vari mutirongo.

“Semapurisa, tinoyambira makororo kuti vachengetedzi vemitemo vanoguma vakubatai chete,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanotiwo havatarisire kuti mupurisa anowanikwa achiita mabasa ehuguruvhani.

“Mutemo unotora nzvimbo pasina kusarudza munyaya dzakadai idzi, vanhu vopihwa zvirango zvavo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey