Mbavha 6 dzasungwa dzaba pfuti 5

19 Jan, 2023 - 10:01 0 Views
Mbavha 6 dzasungwa dzaba pfuti 5 Pfuti

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MBAVHA nhanhatu dzasungwa kuKwekwe mushure mekunge dzichangobva mukupara mhosva yekuba zvinhu zvinosanganisira pfuti shanu nemabara.

Vakasungwa munguva inokwana kuita maawa makumi maviri nemana mushure mekunge vapara mhosva yekupaza nekuba zvinhu kunzvimbo yeChicago, kuKwekwe.

Mapurisa anoti pfuti dzose dzaive dzabiwa pamwe chete nezvimwe zvinhu zvawanikwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti makororo aya akapaza ndokupinda mumba meimwe mhuri nemusi wa30 Zvita vari vatanhatu ndokubva vazosungwa vose nemusi wa31 zuva rakatevera.

“Vakasungwa ndiAli Awali Ali (33) wekuAmaveni, kuKwekwe, Daniel Mubaiwa (43) wekwaSabhuku Denda kwaMambo Nyamaropa kuMt Darwin, Tafadzwa Chitsiga (24) wekuHatcliffe, muHarare achishanda kuKings Ferry Logistics iri kuBorrowdale, Gilbert Madhami (27) wekuGlen Norah C, muguta reHarare, Ernest Taruvinga (31) wekuBudiriro 2, muHarare, naGodknows Bushu (42) wekuMbare muHarare zvakare,” vanodaro Insp Mahoko.

Ali Awali Ali

Vanoti imba yakapazwa nemakororo aya ndeyemuzvinabhizimisi wekunzvimbo iyi uyo akanga aenda kuzororo nemhuri yake achisiya pamba pake pane mushandi wemumba oga.

Daniel Mubaiwa

Mushandi wemumba uyu anonzi akanzwa ruzha kunze kwemba apo ainge akarara achibva azobatidza mwenje wemagetsi achifunga kuti mushandirwi wake nemhuri vainge vadzoka.

Tafadzwa Chitsiga

Makororo matanhatu aya anonzi akavhunduka ndokutiza muchivanze mushure mekunge vatoba uye panguva iyoyo muzvinabhizimisi uyu nemapurisa vakabva vaziviswa.

Nyaya iyi yakabva yatanga kuferefetwa.

Gilbert Madhami

“Makororo aya anonzi akatanga nekutyora kiyi yepagedhi achishandisa chombo chisina kuzivikanwa, madhoo achibva avhurwa nechisimba. Dzimba dzose dzakasechwa nembavha idzi, muimba yekurara vachibva vapwanya mubhokisi rinogara pfuti ndokuba shanu, nharembozha shanu nebhokisi raiva rizere majewellery anosanganisira cheni dzemuhuro dzegoridhe, mhete, nendarira dzemumaoko,” vanodaro Insp Mahoko.

Ernest Taruvinga

Kamera yemhando yeCCTV inoona zvinoitika mumba inonzi yakanga yavhiringidzwa kushanda kwayo uyewo mimwe mifananidzo yainge yatorwa yakadzimwa.

“Runyerekupe pakuferefetwa kwenyaya iyi rwakazoita kuti kusungwe Ali Awali Ali naDaniel Mubaiwa kuAmaveni, kuKwekwe. Izvi zvakabatsira kuwanikwa kwezvimwe zvinhu kuKwekwe muchimbuzi uyewo nezvimwe kuHarare nekuzosungwa kwemamwe makororo. Imwe yepfuti idzi yakawanikwa kuMbare kuchiti zvimwewo ndokuwanikwa kuDzivaresekwa, kuHarare,” vanodaro Insp Mahoko.

Godknows Bushu

Kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi.

Insp Mahoko vanotenda veruzhinji nekushanda pamwe chete nemapurisa zvakaita kuti zvive nyore kuti makororo aya asungwe.

Share This:

Sponsored Links