Mbavha dzaba motokari ine pfuti 3

17 Mar, 2023 - 17:03 0 Views
Mbavha dzaba motokari ine pfuti 3 Insp Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuKwekwe anonzi abirwa motokari yange iine pfuti nhatu mubhuti nezvimwe zvinhu nemakororo vaatakura pakati pehusiku.

Owen Magumise (38) wekuMbizo, anonzi aityaira motokari yake yerudzi rweHonda Fit ine nhamba dzinoti AFD1443 nemusi wa15 Kurume nenguva dza11 manheru apo akakwidza varume vaviri achibva kuMbizo achienda mukati medhorobha reKwekwe.

Mubuti remotokari yake maiva nebhuroko rehinjini yeimwe motokari nepfuti diki nhatu (pistols).

Apo akasvika pamugwagwa weFaraday Way kuNewton, makare muKwekwe, mumwe wevanhu vaakanga atakura aiva kumberi akabva aburitsa banga ndokumuvhundutsira naro akamutaurira kuti amise motokari ipapo, izvo akaita.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Magumise, nekutyira upenyu hwake, akabvuma zvose zvaitaurwa, motokari yake ichibva yabiwa.

“Magumise akabva amisa motokari yake sezvaakataurirwa nemurume uyu ndokunzi amupe nhare zvakare izvo akabvuma kuita, achibva aburuka mumotokari varume vaviri ava ndokuenda nayo,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeZRP Kwekwe Central vachibva vatanga kuiferefeta.

“Semapurisa, tiri kutsvaga varume vaviri nemhosva yekuba motokari nezvimwe zvinhu zvaiva mumotokari iyi. Tinokurudzira kune vanoziva varume ava kuti vazivise mapurisa ari padyo navo. Zvinhu zvose zvakabiwa zvinokosha US$3 160 apo pasina chakawanikwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey