Uncategorized

Mbavha dzakaba paHeroes Acre

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Mbavha dzakaba paHeroes Acre Guruve Heroes Acre

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MBAVHA dzakaratidza kusaremekedza vafi vanova magamba akasunungura nyika ino apo nguva pfupi yadarika vakaenda panzvimbo yeGuruve District Heroes Acre, kuGuruve, ndokunoba marata echivakwa chepo icho chinogarwa nevaenzi kana vashanyapo uye ndokuwaranyura waya yeruzhowa rwepo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya yekubiwa kwemidziyo yepanzvimbo inovigwa magamba iyi haisati yasvika kumahofisi avo.

Asst Insp Masikati

“Nyaya iyi haisati yasvika kumahofisi edu evatauriri vemapurisa vedunhu rino, saka regai ndigotsvaga zvizere nekuda kwenyaya iyi ndozokupai zvakakwana.

“Asi senguva dzose, tinoti kuba imhosva huru inoita kuti vanhu vaende kumajeri, saipapa tinotarisira kuti vanhu varemekedze vafi vedu zvinofambirana nechivanhu chedu. Aba anosungwa oendeswa kumatare edzimhosva opihwa zvirango zvinofambirana nemhosva yake,” vanodaro.

Mukuru wemusha une nzvimbo inovigwa magamba iyi, Sabhuku Nhemachena, VaIson Nhemachena (72), vanotsinhira nezvekubiwa kwemidziyo iyi.

Sabhuku Nhemachena

“Muno muDande makarwiwa hondo yeChimurenga yakasunungura nyika ino ikapfuta moto zvinozivikanwa nyika yose nekunze. Vacho vakasunungura nyika magamba edu, ndivo vanovigwa panzvimbo iyi apo pakanga pavakwa shedhi inopa mumvuri kuvaenzi vanouya vachiita zvakasiyana.

“Zvino marata acho akabiwa akaendwa nawo nevanhu vasina rukudzo neruremekedzo ava. Paivawo newaya yaiva yakakomberedza nzvimbo iyi kuti mombe nezvimwe zvipfuyo zvisapinde. Asi ruzhowa urwu rwakabiwa zvakare, waya ikaendwa nayo. Zviri pachena kuti zvinhu zvose izvi zvakanotengeswa nemakoronyera aya,” vanodaro Sabhuku Nhemachena.

Vanoti izvi zvakaitwa nzvimbo iyi ichangotanga kuvakwa.

Makuva

“Izvozvi vakuru vedu vakanzi nhasi vauya vachishanyira nzvimbo iyi, havasisina pekuvanda zuva inova nyaya yatinotarisira kuti inofanirwa kugadziriswa kuti marata aya adzoserwe pakare, uyewo waya yakabiwa iyi inofanirwa zvakare kugadziriswa nzvimbo yochengetedzeka.

“Kureva kuti isu sevagari vemuno, tichatoungana semasabhuku nevamwe vakuru toita mudeme mudeme kuti mari iwanikwe,” vanodaro.

Kwayedza yakasvika panzvimbo iyi ikawana makuva aya akatsikwatsikwa nemombe nembudzi.

Chivakwa chakabiwa marata — Mifananidzo naNicholas Bakili

“Tinoda kuti tironge kuita majana apo misha yedu iri muno vanhu vanopota vachinotsvaira nzvimbo iyi panguva yatinowirirana kuti pagare pakachena. Tine vakuru vevaiva varwi vehondo yeChimurenga muno vanotungamirira nzvimbo iyi avo tinotungamidza mukuronga izvi,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links