Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuChombira, kuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central, vari kutsvaga mbavha gumi idzo dzakabira varimi vashanu vaive vakamirira kutengesa mombe dzavo pamwe chete nekambani yesiraha yeZimnyama Abattoir mari nemimwe midziyo zvose zvinokosha US$13 409.
Sergeant Major Samuel Chikasha, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, vanoti izvi zvakaitika nemusi wa29 Nyamavhuvhu nenguva dza1 mambakwedza apo makororo gumi akasvika pasiraha iri ndokuwana paine vashandi vaviri vaichengetedza nzvimbo iyi apo varimi vashanu vaiva varere muimba inobikirwa yepo.
“Makororo gumi aya pavakasvika paZimnyama Abattoir, vakawana magadhi maviri epakambani iyi vanosanganisira Austin Gambo (33) wekwaNzvimbo Construction Houses naRodney Jonga (49) wekwaSabhuku Taruvinga, kwaShe Makope, kuChiweshe avo vaichengeta nzvimbo iyi. Mukati mekambani iyi kucanteen panguva iyi, maivawo nevarimi vanoti Blessmore Mapundu (29) wekwaSabhuku Nyangwaru kwaMambo Matsivo, kuMbire, Idom Chitimbe (34) wekwasabhuku Sapa kwaMambo Matsivo, Ngoni Jacob (38) wekuPfunyanguwo kwaMambo Dotito, kuMt Darwin, Brightmore Musakatisa (20) wekwaSabhuku Majinga kwaMambo Matsivo naJerry Gatsi (45) wekwaSabhuku Kadamwa, kwaMambo Matsivo,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.
Varimi ava vaiva varere muimba yekubikira yepasiraha iri vachimirira kuzotengesa mombe dzavo apo vakasvikirwa nembavha gumi uye vatatu vavo vakazvivhara kumeso, mumwe wavo aine pfuti duku apo vamwe vaine mabhemba.
“Mumwe wemakororo aya aiva nepfuti akainongedzera kuna Austin Gambo ndokumutaurira kuti arambe akanyarara, mumwe akazomusandudzira pasi achibva apunzika vachibva vamusunga maoko nemakumbo netambo dzebhutsu newaya. Makororo aya akazoenda kunaRodney Jonga ndokumumanikidza kurara pasi nedumbu vachibva vamusunga maoko netambo dzebhutsu newaya,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.
Makororo aya akaenda kuimba yekubikira chikafu kwaiva kurere varimi vaine pfuti nemabhemba nemasimbi ndokunosunga varimi ava netambo newaya nemadhende embatya.
“Vakasecha Blessmore Mapundu ndokutora US$280 nenhare, vakazoenda kuna Idom Chitimbe vakatora US$750 nenhare mbiri uyewo nechitamba chekutyaira nepasipoti. Ngoni Jacob akaedza kuramba kusechwa achibva arohwa nesimbi pamhanza ndokutorerwa US$1 400 uyewo Brightmore Musakatisa akatorerwa US$200 kuchiti Jerry Gatsi akatorerwa US$22,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.
Jonga akazokwanisa kuzvisunungura achibva amhanya kumukuru wekambani iyi kunomuzivisa.
Zvakazoonekwa kuti makororo aya akanga avhura gonhi rekupinda mukambani iyi nechisimba uyewo nemuhofisi mamaneja.
Sgt Maj Chikasha vanoti makamera eCCTV epakambani iyi zvose neAlarm zvakakanganiswa kuti zvisashande nembavha idzi vakazobawo midziyo yakasiyana.
“Vakashandisa zvinoputika kuvhura sefa yemari ndokuba US$7 877 neHP Lap top. Zvakaonekwawo kuti vakapindawo mune imwe hofisi vakapwanya bhokisi rinochengeterwa pfuti vakaba US$2 960. Nenguva dza3 mambakwedza musi wakare, nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa ekuZRP Chombira. Zvinhu zvose zvakabiwa zvinokosha US$13 409,” vanodaro.
Mapurisa ari kukumbira veruzhinji vanoziva nezvenyaya iyi kuti vabatsire nemashoko anoita kuti makororo aya asungwe.