Mbavha dzanga dzakapfeka magemenzi

20 Nov, 2023 - 16:11 0 Views
Mbavha dzanga dzakapfeka magemenzi Inspector Emmanuel Mahoko

Kingstone Mapupu

MURUME wekuMberengwa akabirwa motokari yake yerudzi rweNissan Caravan nembavha mbiri idzo dzainge dzakapfeka magemenzi dzichinyepera kuzviita vanamati vechipositori.

Mbavha idzi dzakaridziri murume uyu nhare vachiti vaida kumuhaya kuenda naye kwaive negungano rechechi yavo.

Nyaya iyi yakaitika panzvimbo yeBatanai iri kwaMambo Ngungumbane musi wa11 Mbudzi nenguva dza2 mambakwedza.

Bright Masukume (34) wekwaSabhuku Magunge anonzi akaridzirwa nhare nemumwe wemakororo maviri aya, avo aisaziva, vachikumbira kuti vaida kutakurwa nemotokari yake kubva kwaBatanai, kwaGungumbane, vachiendeswa kuTriangle kwavanoti kwaiva negungano rechechi yavo.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands, vanoti Masukume akatyaira motokari yake ine nhamba dzinoti AGF 2037 kubva kwaVurasha, kuMataga, kunosvika kwaBatanai.

“Murume uyu asvika kwaBatanai, akasangana nevarume vaviri vaiva vakapfeka magemenzi machena achibva aburuka mumotokari yake kuti vawirirane munyaya dzerwendo rwairongwa urwu. Varume ava vakabva vamupandukira, mumwe wavo ndokunongedzera banga kuna Masukume uye mumwe wacho ndokuburitsa bhemba kubva mugemenzi raaiva akapfeka, vose vachivhundutsira kuti vaida kumuuraya,” vanodaro Insp Mahoko.

Vakazobaya murume uyu kamwe chete kumusana ndokubva akuvara zvishoma uye ndokumudhonzera musango raiva pedyo vachibva vamusungirira pamuti vachishandisa ropu.

Makororo aya akazosecha Masukume muhomwe ndokutora nhare yerudzi rweTechno nepasipoti vachibva vatyaira motokari yake ndokutiza.

“Murume uyu akazowanikwa nemumwewo munhu aidarika nepanzvimbo iyi rechimangwana racho, nemusi wa12 Mbudzi nenguva dza5 mangwanani, akazokwanisa kusunungurwa kubva pamuti. Akazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuBuchwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokumbira kuruzhinji kune zvavanoziva pamusoro penyaya iyi kuti vavabatsire nemashoko anoita kuti mapurisa akwanise kusunga makororo aya.

Vanoda kubatsira munyaya iyi vanoridza nhare dzinoti (054) 2221073 kana 0778 069 322 kana kutaurira mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey