Mbavha dzarura

02 May, 2023 - 13:05 0 Views
Mbavha dzarura Asst Insp Dzvova

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuMsasa, muHarare, anonzi akabirwa nhare nemimwe midziyo, zvose zvinokosha US$360 izvo zvaive mumotokari yake mushure mekunge yapazwa nembavha apo akange aisiya akamisa pane zvimwe zvitoro muguta iri.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa26 Kubvumbi apo Prince Tanaka (35) akamisa motokari yake yerudzi rweToyota Corolla panosangana migwagwa Simon Muzenda naBaines Avenue, muHarare.

“Mumhan’ari anoti akamisa motokari yake akasiya akiya madhoo nekuvhara mahwindo achibva aenda pane chimwe chitoro. Paakadzoka mushure memaawa maviri, akawana motokari yake yapazwa nemunhu asati ava kuzivikanwa apo hwindo rekurudyi rainge rachekwa nemudziyo usati wazivikanwa. Akabva abirwa nharembozha yerudzi rweTecno Spark uye US$200,” vanodaro.

Asst Insp Dzvova vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eZRP Five Avenue, midziyo yose yakabiwa inokosha US$360 uye hapana chati chawanikwa.

Mune imwewo nyaya inodyidzana neiyi, Shun Mazhandu (37) wekuMarborough, muHarare, anonzi nemusi wa25 Kubvumbi akavhara musuwo nemahwindo echitoro cheMadamburo Shop chiri panosangana migwagwa Angwa Street naJason Moyo Avenue achibva aenda kumba.

“Mangwanani ezuva rakatevera, akashamisika kuona chitoro ichi chakapazwa uye mabiwa magirosari akasiyana nelaptop yemhando yeLenovo. Akabva anomhan’ara kumapurisa eZimbabwe Republic Police paHarare Central, midziyo yose yakabiwa inokosha US$750 uye hapana chakawanikwa.

Asst Insp Dzvova vanoyambira veruzhinji kuti vachengetedze midziyo yavo.

“Chengetedzai midziyo yenyu nguva dzose nenzira yakadai sekuisa varindi pamotokari kana muzvitoro. Motokari haifaniri kusiiwa kwenguva refu iine midziyo inokosha nekuti zvinokwezva mbavha,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey