Mbavha dzasungwa, midziyo ikawanikwa

04 Jul, 2022 - 18:07 0 Views
Mbavha dzasungwa, midziyo ikawanikwa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vanofungidzirwa kuti imbavha dzanga dzanetsa nekuba vakapakata mapanga nezvimwe zvombo kuGweru vasungwa uye mimwe yemidziyo yavanonzi vakaba inokosha mari inodarika $250 000 yawanikwa.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands, vanoti mapurisa akasunga Cleopas Moyo naCharles Kupfavira avo vanonzi vange vachishaisa vagari vekuMkoba nekuMtapa, kuGweru mufaro nekuvabira mudzimba dzavo.

“Tinonyanya kutenda veruzhinji nekuti vari kutibatsira kuti tisunge nhubu dziri kunetsa nekuba uye kupara dzimwe mhosva nekudaro hazvina kutinetsa kusunga varume vatange tichitsvaga nemaziso matsvuku ava,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vakatanga kusunga Moyo wekuMkoba 14 akazotaura kwaiva naKupfavira wekuMkoba 13.

Insp Mahoko vanoti vaviri ava vari kupomerwa kuba zvinhu mumotokari nekuparawo dzimwe mhosva.

Vanonzi mukuba kwavaiita, vairova vanhu nezvombo zvinosanganisira simbi, mabhodhoro uye kucheka nemapanga.

“Charles Kupfavira asungwa, mukubvunzurudzwa akazodura Lawrence Munyaradzi anova musungwa wechitatu watiri kutsvaga munyaya idzi. Mapurisa akakwanisa kuwana midziyo yakawanda inosanganisira mbatya, pfuti yemhando yepistol yaiva nemabara, itel phone, 1 samsung nemabhatiri mana izvo zvose zvinokosha $256 550.

“Midziyo mizhinji yakakwanisa kuzivikanwa nevaridzi vayo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokumbira vanhu vakabirwa kuti vaende kukamba yemapurisa yekuNehanda kuti vanoona kana midziyo yavo isipo pakati peyakawanikwa.

“Tinokumbira kune vane ruzivo nekuna Lawrence Munyaradzi vamhan’are kumapurisa ari pedyo navo kuti murume uyu asungwe kana kukanda mapepa ane mashoko muma’suggestion boxes’ emapurisa akazara nenyika ino,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey