Mbavha dzauraya mombe 6 mudanga rimwe

28 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Mbavha dzauraya mombe 6 mudanga rimwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuLalapanzi, kuMidlands vari kuvhima nemaziso matsvuku mbavha dzakauraya mombe nhanhatu dzaive mudanga remumwe murimi, ndokutakura imwe nyama yacho asi imwe ndokusiya.

Mbavha idzi dzinonzi dzakauraya mombe idzi paPlot Number 19 Gando, kuLalapanzi nemusi wa21 Ndira munguva dzemangwanani.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Evas Dzvairo (48) – uyo anoshanda papuroti apa achiita basa rekufudza mombe dzaVaRobert Dhliwayo – akavharira mombe 31 mudanga.

“Nemusi wa21 Ndira nenguva dza7 mangwanani, Dzvairo akamuka ndokuenda kudanga kuye akanoona kuti mombe nhanhatu dzakanga dzauraiwa ndokuvhiiwa nembavha dzikatora nyama yavaiita yekusarudza imwe vachisiya. Nhatu dzemombe idzi, dzakabviswa munyepfu kuchisara mabhonzo kuchitiwo nhatu dzakabviswa imwe nyama,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi vanoti yakazosvitswa kumapurisa ekuLalapanzi ndokutanga kuferefetwa uye hapana ati asungwa.

“Mapurisa vari kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi vachitsvaga makororo akauraya mombe idzi. Mombe dzakauraiwa idzi dzinokosha US$4 800. Tinokumbira kuruzhinji kune vane zvavanoziva kuti vazivise mapurisa tikwanise kubata mbavha idzi kuti varidze nhare vozivisa mapurisa kwese kwavari kana kuMidlands kuchikamu cheMidlands Provincial Anti-Stock Theft Unit kuna coordinator wechikamu ichi panhare dzinoti 0773 048 674 kana 054-222 5503,” vanodaro Insp Mahoko.

Mhosva dzekubiwa kwemombe kuMidlands vanoti dziri kuwanda uye mapurisa vanoyambira vanoita zvemabhucha kuti vasatenge mombe kana nyama yavasingazive kuti yabva kupi.

“Tinoyambira vemabhucha nevezvitoro, kunyangwe veruzhinji kuti vasatenge nyama yavasingazive kuti yabva kupi. Munogona kutengeserwa mombe kana nyama yemombe dzekuba makagumisirawo mava vasungwa pamwe chete nevakaba. Adziya moto wembavha naiyewo ava mbavha,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links