Mbavha dzemombe dzoshandisa juju 

24 Feb, 2023 - 15:02 0 Views
Mbavha dzemombe dzoshandisa juju  Makororo vaine jira reretso nemishonga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAKORORO anoba mombe nezvimwe zvipfuyo zvakasiyana munyika anonzi ari kushandisa mishonga yechivanhu kuti vasabatwe nemapurisa kana kuregwa kuonekwa nevaridzi vemisha yavanoba.

Nyaya iyi inotevera makororo mana akasungwa aba mombe mbiri kwaMutoko, kudunhu reMashonaland East munguva pfupi yadarika avo vakawanikwa mumotokari mavo muine machira eretso uye vakatomiswa mudare redzimhosva reMutoko Magistrate Court.

Makororo mana aya ndiKudzaishe Takudzwa Kaguru (22), Tinashe Fore (23), Samuel Tarikanda (27) naBrian Komani (23) vose vanobva kwaMutoko.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti vana ava vakasungwa mushure mekuba mombe mbiri paPlot Number 2 kuVillage 63, kuHoyuyu dzinova dzaVaPhillip Mwimawo.

“Varume ava vachiita basa ravo rekuba iri, motokari yavo yakazorindirwa nevanhu mumotokari yavo mukawanikwa mapanga nezvimwe zvombo zvavanoshandisa pakuba nekuuraya mombe nekuita zvimwe. Asi mumotokari yavo makazowanikwawo machira emidzimu eretso zvinofungidzirwa kuti vanoshanda pamwe chete nevanoita zvechivanhu kuti vasakwanise kusungwa. Zvino isu mapurisa hatineyi nezvemishonga, tinosungwa chete nhubu,” vanodaro Insp Chazovachiyi.

Vanoyambira n’anga kana maporofita anoshanda nemakororo pakuvasimbisa mubasa ravo kuti vanokwanisawo kusungwa zvakare vachiendeswa kumatare edzimhosva.

“Tinotenda veruzhinji nekushanda nemapurisa pakusunga makororo aya uyewo nekuyambira vachazoda kuba kwemhando ipi kuti mapurisa akavamirira kuvasunga nekuvaendesa kumatare edzimhosva vopihwa zvirango zvinokodzerana nemhosva dzavo. Tinokurudzira veruzhinji kukurumidza kumhan’ara nyaya dzakadai kumapurisa kuti vapari vemhosva ava vagosungwa nenguva,” vanodaro Insp Chazovachiyi.

Insp Chazovachii

Zvakadai, Sekuru Kanengo vekuFidelity muguta reHarare vanotsinhira kuti kune dzimwe mbavha dzinoshandisa mishonga mubasa radzo rekuba.

“Mamwe makororo anoshandisa mishonga mubasa ravo inosanganisira kuti vasaonekwe pakuba, kuteverwa kana kusungwa. Vamwe vanotobva nekudzin’anga kana kumaporofita vachinanga kunoba. Saka muchiona vamwe pese pavanoba vanosiya vaitira tsvina mumba kana mumapoto chaimo nekuitira weti pavaba. Zvimwe zvinoshanda asi zvimwewo hazvishande uye hatikurudziri machiremba echivanhu nemaporofita kuita izvi nekuti tinoda kuti vanoba vasangane nezvirango zvavo kumatare,” vanodaro Sekuru Kanengo.

Share This:

Sponsored Links